Accessibility links

Breaking News

Kumbovhara kweMabhanga Achivandudza Michina Kuti Ikwanise Kushanda neMari Itsva yeZiG Kunokanganisa Vakawanda


Mari itsva yeZIG yakaparurwa neChishanu munyika.
Mari itsva yeZIG yakaparurwa neChishanu munyika.

Vanhu vakawanda munyika vanonzi vatadza kutora mari dzavo dzemadhora emunyika dziri kumabhanga mushure mekunge mabhanga azivisa kuti ambomisa kupa kana kutambira mari kuitira kuti awane nguva yekugadzirisa michina yawo.

Zvichitevera kuparurwa kwemari itsva ye ZiG neReserve Bank of Zimbabwe neChishanu, vemabhanga, vezvitoro zvikuru pamwe nevemakambani enharembozha anoita zvekufambiswa kwemari akaita seEconet neNet-One vanonziwo vanga vasiri kutambira kana kupa mari yemunyika iyi svachiti vari kuvandudza michina yavo kuti ikwanise kutambira kana kupa mari itsva iyi.

Gavhuna mutsva webhanga guru renyika, VaJohn Mushayavanhu, vakazivisawo pavakaparura mari itsva yeZiG iyi kuti kutanga neMuvhuro veruzhinji vanenge vave kukwanisa kuchinja mari dzavo dziri muma Zimbabwe dollar kuenda ku ZiG, uye madhora emunyika ose ari mumabhanga achange achiiswa mu ZiG.

Asi kune dzimwe nyanzvi mune zvemitemo dziri kuti hurumende yakatyora mutemo wezvemari uri mubumbiro renyika payakaparura mari itsva iyi ichishandisa mutemo unoshanda kwenguva diki, kana kuti Statutory Instrument.

Veruzhinji vanonzi vari kutiwo vachamirira kuona kana mari itsva iyi ichatambirwa kumahofisi ehurumende akaita sekunotorerwa mapasipoti kuitira kuti ivo vazovewo nechivimbo nayo.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira bato rinopikisa reCoalition for Democrats, VaTrust Chikohora, vanoti vanoona zvavo danho ratorwa nevemabhanga rekumbmira kupa kana kutambira madhora emunyika serakanaka vachiti zvinoita kuti vawane mukana wekuvandudza michina yavo sezvo kuitira Muvhuro unouya.

Asi VaChikohora vanoti hurumende nebhanga guru vanofanirwa kusimbisa kushandiswa kwemari itsva iyi munyika kuitira kuti veruzhinji vave nechivimbo nayo.

Panyaya yekuti mari itsva yakaparurwa zvisiri pamutemo, VaChikohora vanoti iri harisi dambudziko rakanyanya kukura sezvo hurumende ichikwanisa kuzvigadzirisa.

Zvichakadaro, Zvichitevera kuparurwa kwemari itsva yeZiG, vaimbove mutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vaburitsawo mashoko ekuti Zimbabwe inoda shanduko mune zvematongerwo enyika, kwete shanduko yemari.

Vachinyora padandemutande ravo re X, iro raimbonzi Twitter, VaChamisa vati mari kuti inzi imari inofanirwa kunge ichizvimirira uye vanhu vachive nechivimbo nayo.

Vati pachinzvimbo chekuparura mari itsva, panodiwa nhaurirano dzinoburitsa zvematongerwo enyika zvitsva zvinotsigirwa neveruzhinji uye hurumende itsva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG