Accessibility links

Breaking News

R-B-Z Inoparura Mari Itsva Vamwe Vachiti Haina Zvainoshandura Kana Vanhu Vasina Chivimbo neMari yeNyika


Mari itsva yave kushanda muZimbabwe, yeZiG.
Mari itsva yave kushanda muZimbabwe, yeZiG.

Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), raparura mari itsva inonzi Zimbabwe Gold kana kuti ZiG, iyo yave kushandiswa munyika ichitora nzvimbo yeZimbabwe Dollar, ynga ichinzi neveruzhinji RTGs.

Vachitaura muHarare, apo vanga vachizivisa veruzhinji matanho achatorwa neR-B-Z kudzikamisa zvinhu munyika, Gavhuna vebhanga iri, Doctor John Mushayavanhu, avo vachangobva kudzipakata vachitora basa raimboitwa naDoctor. John Mangudya, vati mari itsva iyi ichange yakasimba chose kana ichienzaniswa neyanga iripo.

"Kutanga nhasi mabhanga achachinja mari yemaZimbabwe dollars kuiisa kumaZimbabwe Gold, kana kuti ZiG. Mari iyi ichange yakatsigirwa nezvicherwa zvinegoride uye nemari yekune dzimwe nyika ine RBZ. Izvi hazvirevi kuti dzimwe mari dzanga dzichishandiswa munyika dzava kuiswa parutivi- dzichange dzichishanda dzese pamwechete."

Mari itsva yeZimbabwe, yeZiG.
Mari itsva yeZimbabwe, yeZiG.

Vaenderera mberi vachiti vanhu havafaniri kutyira kuti izvi zvinoreva kuti mari dzavo, kunyanya dzemari yekuAmerica, dzichatsakatikira mumabhanga.

"Kune vari kufambisa mashoko ekuti mari dzevanhu dziri mumabhanga dzichashaikwa. Aya manyepo sezvo ndisina hurongwa hwekubira vanhu. Mari dziri mumabhanga dzakachengetedzeka. Dziri muZimbabwe Dollar ndidzo dzichangochinja dzoenda muZiG."

Gavhuna Mushayavanhu vati kutanga iye zvino, dhora rekuAmerica rimwechete rinenge rakaenzana ne ma Zimbabwe Gold, kana kuti ZiG gumi nematatu nemasendi makumi mana, kana kuti, 1USD = 13.4 ZiG. Madhora emunyika anga achishanda anga ave kudarika zviuru makumi mana padhora rimwechete rekuAmerica.

Izvi zvinoreva kuti ZiG yaparurwa nhasi iyi ine simba rinodarika Rand rekuSouth Africa, iro kuti 18 Rand inokwanisa kutenga 1US Dollar.

Vatiwo nekuda kwekusimba kwakaita mari iyi, dzimwe nyika dzakasununguka kuishandisawo munyika dzadzo kana dzichida.

Mari itsva yeZimbabwe ine huremu kudarika Rand rekuSouth Africa.
Mari itsva yeZimbabwe ine huremu kudarika Rand rekuSouth Africa.

Asi vamwe vanoti chinodiwa haisi mari itsva kana kushandura mazita emari, asi kuti vanhu vave nechivimbo nemari yenyika.

Munyori wezvehupfumi muMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora uye vakambova gurukota rezvekufambiswa kwezvirongwa zvehupfumi munguva yehurumende yemubatanidzwa, Dcotor Tapiwa Mashakada, vaudza Studio 7 kuti kuchinja mari yenyika hakugadziri matambudziko ari kuita kuti zvinhu zvimire nemusoro.

"Chii chakonzera kuti musoro uteme? Kana chisina kugadziriswa ichocho, hapana zvatiri kuita. Kukwira kwezvinhu; kukwira kwemari yepamusika mutema; kuchitiwo kusakwanisa kwedu senyika kugadzira zvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika, ndiwo matambudziko anofanira kugadziriswa. Mari tingachinja kasingaperi, asi hapana zvatinenge tichiita. Dai goride rine RBZ raikwanisa kusimbisa mari yemuno, dai izvi zvakaitika mazuva akapinzwa maGold Coins."

Mukuru wesangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vanoti havaoni veruzhinji vachitsigira mari yemaZiG yaparurwa nhasi iyi.

"Izvi zvaitika handioni zviine zvazvinochinja, nekuti takambozviona munguva yavaGono, uye munguva yavaMangudya. Nhasi handioni zvinoita kuti zvishande. Vanhu havana chivimbo nedanho ratorwa iri nekuti mumashure umu, harina zvarakabatsira. Kana muchirangarira, vanhu vanopedzisira vodziramba mari idzi, vachiti hadzichina simba."

Kune vamwe vari kuti kuuya kwemari iyi kwakangofanana nekuti RBZ yaita zvemasaramusi, kuda kusimbaradza dhora remunyika iro ranga roita murambamhuru, uye richipera simba.

Mari yanga ichishanda munyika kusati kwaparurwa ZiG.
Mari yanga ichishanda munyika kusati kwaparurwa ZiG.

Asi nyanzvi inowongorora nyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wekambani yeFinx Zimbabwe, Muzvare Hapiness Zengeni, vanozviramba.

"Zvaitika zvakatonakira veruzhinji nekuti kana wanga uine mari yako mumaZimbabwe dollars, painochinjwa kuitwa maZiG, inenge yawanda. Chakanakira mari iyi ndechekuti yakatsigirwa negoridhe, pamwechete nemari yekunedzimwe nyika. Ndinoona sekuti ZiG ichaunza kugadzikana muhupfumi hwenyika."

Imwewo nyanzvi inoongorora zvehupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr. Prosper Chitambara, vanoti kuti matanho atorwa neRBZ nhasi abudirire, zvichada kuti RBZ isunge bhurugwa newaya.

"Panenge pava kuda kuti hurumende izvibate, isangoenda kuRBZ ichinokumbira mari, kana kuita kuti bhanga iri rigadzire mari yakawanda. Asi izvi zvichanetsa sezvo nyika yakatarisana nenzara irikuda mari yekuAmerica mabhiriyoni maviri kuti vanhu vasafe nenzara. Pakashaikwa kuzvibata uku, ZiG inongoshaya simba sezvanga zvichingoita Zimbabwe dollar."

Dhora rekuAmerica ndiro riri kunyanya kushanda munyika pari zvino.
Dhora rekuAmerica ndiro riri kunyanya kushanda munyika pari zvino.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemari nehupfumi hwenyika, VaClemence Chiduwa, vanoti vanofara nekuti mari itsva iyi ichagadzirisa dambudziko rekukwira kwemitengo yezvinhu, inflation, munyika.

"Zvaitwa zvakanaka asi chinodiwa kuti dhora redu risazopera simba. Kana rikapera simba tinogona kudzokera patanga tiri. Tine chivimbo chekuti tichawana kudzikama kubudikidza nemari iyi."

Gavhuna Mushayavanhu vatiwo vanhu vane mari tsaru dzanga dzichishanda munyika vane mazuva makumi maviri nerimwe kubva nhasi, kuti vaendese mari idzi kumabhanga, uko vachanopiwa maZiG.

Vakurudzirawo vezvitoro, uyewo makambani anoshandiswa nevanhu kutumirana mari vachishandisa nharembozha, kana kuti mobile money, kuti vachinje mazita emari idzi kuenda kuZiG mazuva manomwe asati adarika.

VaMushayavanhu vakumbirawo veruzhinji kuti vave nechivimbo nemari yavaparura nhasi iyi, vachizvirova dundundu vachiti danho ravatora iri richasvitsa nyika kuCanaan.

Mari yaparurwa nhasi iri kuwanikwa iri mumapepa ichitangira pa 1ZiG, 2ZiG, 5ZiG,10ZiG, 20ZiG, 50ZiG, 100ZiG kusvika ku 200ZiG. Yesimbi kana kuti ma coin inonzi ichaparurwa munguva pfupi inotevera uye inonzi ichange iri quarter ZiG ne half ZiG.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG