Accessibility links

Breaking News

Vaive Mutauriri weDare reParamende muSouth Africa Vopomerwa Mhosva dzeHuori


Former South African National Assembly Speaker Nosiviwe Mapisa-Nqakula appears in court on corruption charges, in Pretoria
Former South African National Assembly Speaker Nosiviwe Mapisa-Nqakula appears in court on corruption charges, in Pretoria

Vaimbova mutauriri wedare reparamende muSouth Africa Amai Nosiviwe Mapisa-Nqakula vasungwa nhasi mushure mekumanikidzwa kusiya basa vachipomerwa mhosva dzehuori.

Amai Mapisa Nqakula vabva vazvipira kumapurisa nhasi. Vabva vapomerwa mhosva gumi nembiri dzekuita zvehuori kubva munguva yavainge vari gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika.

Vamiswa pamberi pedare muSouth Africa vakapomerwa mhosva dzinosanganisira yekupihwa mari yechiokomuhomwe inosvika zviuru zana nemakumi maviri kana kuti US$120 000.

Amai Mapisa-Nqakula vanzi vabhadhare mari yechibatiso inosvika R50, 000 vakanzi vadzoke kudare musi wa 4 Chikumi. Vanzi vape dare gwaro ravo rekufambisa nekusavhiringidza zvapupu.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG