Accessibility links

Breaking News

RBZ Yotarisirwa Kuparura Mari Itsva Inonzi neVamwe Haina Kutsigirwa Zvakakwana neGoridhe


Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe mangwana riri kutarisirwa kuparura mari tsva inonzi “structured currency”panguva iyo dhora remunyika riri kushaya simba zvakanyanya.

Gavhuna weRBZ VaJohn Mushayavanhu vazivisa nhasi kuti Zimbabwe mudura maro ine goridhe nemari myekunze zvinosvika mamiriyoni mazana matatu kana kuti US$300 million kuti ishandiswe kudzikamisa mari itsva iyi.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vati mari iri mudura reZimbabwe ishoma pane inodiwa kuti ikwanise kuva nedhora rayo inoda mari inosvika mabhiriyoni mana nechidimbu sezvinokurudzirwa nevanokweretesa mari vakaita seInternational Monetary Fund.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vamwe dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzazivisa kuti mari iyi ishoma zvikuru uye zviri kuitwa neRBZ kupedzera hoko padehwe retsinsi. RBZ iri kutarisirwawo kuparura hurongwa hwemafambisirwo emari kana kuti Monetary aPolicy.

Izvi zviri kuuya apo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvichienzaniswa nerekuAmerica, nhasi pamusika weRBZ dhora rekuAmerica range richitenga madhora makumi maviri nematanhatu kana kuti US$1 to 26, 4 000 Zimbabwe Dollars.

Asi pamusika wemukoto, dhora rekuAmerica riri kutenga madhora emuZimbabwe anodarika zviuru makumi mana kana kuti US$1 to 40.00 Zimbabwe dollars.

Chimwe chipangamazano chebhanga reRBZ VaPersistence Gwanyanya vati vane chivimbo chekuti hurongwa hwedhora restructured currency huchishanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG