Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, VaNoah Chinyanga, Vosimudza Mureza weNyika muKurima neKutengesa Maruva kuAustralia


VaNoah Chinyanga
VaNoah Chinyanga

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa zviri kuitwa naVaNoah Chinyanga, avo vari kugara nekushanda vari kuAustralia.

VaChinyanga vasimudza mureza wenyika kuburikidza nekurima kwavari kuita maruva ane mukurumbira erudzi rwe protea, pamwe nekufambisa kambani yavo inochengetedza nekutengesa maruva anowanikwa munharaunda, kana kuti native flowers nekambani yavo yeMaFresh Pty Ltd.

Vakaberekwa mugore ra 1983 mudunhu reMudzi kuMashonaland East, uko vakaita zvidzidzo zvavo zvepasi vasati vazopinda muHarare mavakawedzera zvidzidzo zvavo vachizoguma vaita zvidzidzo zvekurima paGwebi College.

Nekuona kuoma kwehupenyu pamwe nekushaikwa kwemikana muZimbabwe, VaChinyanga vakazobuda munyika muna 2009 vachienda kuSouth Africa uko kwavakanoshanda samaneja pane imwe puzari inorima maruva.

Vanoti vanotenda zvikuru muridzi wepurazi iyi, anove wechichena, vachiti akavapa ruzivo rwakakosha mukurimwa, kuchengetedzwa pamwe nekutengeswa kwemaruva, zvikuru e protea, ayo anonyanyowanikwa munyika yeSouth Africa.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaNoah Chinyanga vari Australia.
Chizvarwa cheZimbabwe, VaNoah Chinyanga vari Australia.

"Izvi zvekurima ma protea flowers ndakazvidzidzira ndiri kuSouth Africa kune murungu wandakaseenzera for about 10 years. iye ndiye akandidzidzisa zvese from production planning, kugadzirira munda, kugadzirira kuti muri ku planeyi, mune target yekuti muri kuda kuendesa kupi," vanodaro VaChinyanga.

Vakashanda vari muSouth Africa kwemakore gumi vakazoenzinanisa mikana vakaona kuti wekuenda ku Australia waiwe wakanaka kudarika kugara muSouth Africa, vachibva vasunga twavo vachienda kumhiri kwemakungwa.

Asi vanoti vakasangana nematambudziko akati kuti, anosanganisira dambudziko remari yekutanga nayo bhizinesi ravo.

Asi vanoti vakatambirwa zvakanaka chose nevagari pamwe nevarimi vemuAustralia.

VaChinyanga vanoti dambudziko ravari kusangana raro parizvino nderekushaya vashandi vanovabatsira kuita mabasa avanoita, izvo zvinozovamanikidza kushanda nezviripo.

Vanoti remangwana ravo vanoona rakajeka kana chete vakaramba vaine hutano hwavainahwo nhasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG