Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vopedza Nguva Yakawanda Vari kuMatare Pane Kutsvaga Rutsigir0


Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari mudare redzimhosva muNew York
Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari mudare redzimhosva muNew York

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vane mhosva dzinosvika makumi mapfumbamwe dzavari kupomerwa dzinosananisira dzehuori, kuda kubirira sarudzo dzepabonde nedzimwe.

Izvi zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvenatongerwo enyika zvave kuvakanganisa kutsva rutsigiro. Kunze kwekupedza nguva vari kumatare, VaTrump vari kupedzcawo mari yakawanda vachibhadhara magweta.

Nemusi weMuvhuro vakazokwanisa kubvisa mari yechibatiso inoita mamirioni zana nemakumi manomwe nemashanu ($175 million) kuti zvivakwa zvavo zvisatorwe nedunhu reNew York.

VaTrump vakabatwa nemhosva yekutyora mutemo nekubhadhara mari shoma dzemitero uye kunyepera vemabhanga nezvehupfumi hwavo kuti vawane zvikwereti nemutero uri pasi.

Izvi zvinonzi zvakapa kuti dunhu reNew York rirasikirwe nemari yemitero.

Kuti vapikise mutongo uyu, vaTrump vainge vanzi vabvise mari inosvika mamiriyoni mazana mana nemakumi matanhatu nemana (US $464 million) iyo vakati yakawandisa zvakapa kuti izodzikiswa.

Masvondo maviri apfuura, magweta aVaTrump akazivisa dare redzimhosva kuti vaTrump vakatadza kuwana kambani kana munhu angavabetsera nemari yechibatiso yakanga yataurwa nedare.

Asi neMuvhuro VaTrump vakakwanisa kubvisa mari yechibatiso yakanga yadzikiswa nedare izvo zvakaita kuti zvivakwa zvavo zvisatorwa.

Zvinonzi umwe mupfumi ari muridzi wekambani inonzi Knight Speciality Insurance ndiye akabetsera vaTrump nemari yechibatiso iyi.

Nemusi weChipiri, VaTrump vakanziwo nemutongi wenyaya iyi vamire kutuka nekushoropodza vatongi, vachuchusi uye hama dzavo pamadandemutande sezvavange vachiita sezvo kuri kuzvidza dare, ivo VaTrump vange vachiti muAmerica munhu akasungunuka kutaura zvaanoda.

VaTrump vari kutiwo zvose zviri kuitwa kuda kuti vasakwanise kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika. Asi hurumende inoti munhu anomira nemhosva yake.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti zviri kutsvaga rutsigiro wave mutoro kunaVaTrump.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG