Accessibility links

Breaking News

R-B-Z Yoyambirwa Kuti Gwaro reMonetary Policy Chete Handiro Rinounza Chivimbo muVanhu


Dzimwe nyanzvi dzinoti dambudziko rehupfumi harigadziriswe nekungoparura mari itsva chete.
Dzimwe nyanzvi dzinoti dambudziko rehupfumi harigadziriswe nekungoparura mari itsva chete.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi, vashandi, pamwe nevezvitoro vane maonero akasiyanasiyana pamusoro pegwaro remafambisirwo ehupfumi hwenyika, kana kuti Monetary Policy Statement, iro riri kutarisirwa kuparurwa neChishanu nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Gwaro iri riri kuuya panguva iyo nyika iri mumatambudziko anosanganisira kukwira kwemitengo yezvinhu pamwe nekushaya simba kwedhora remunyika.

Mutungamiri wesangano revezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti kunyange hazvo paine nhaurirano dziri kuitika pari zvino pakati pevezvitoro nehurumende pakutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko aya, tarisiro yavo huru yave kuMonetary Policy Statement iyi kuti ndiyo ichaagadzirisa.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti hurumende ingaburitsa zvayo magwaro akadii, chikuru chinodiwa chete kugadzirisa hupfumi hwenyika kupa chivimbo kune veruzhinji kana kuti trust, kuti mari yenyika inokwanisa kushandwa nayo.

Munyori mukuru werimwe sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanotiwo vashandi vakawanda havana zvikuru zvavari kutarisira kubva kuMonetary Policy Statement iri kuburitswa neChishanu iyi sezvo vasinawo kunzwikwa pfungwa dzavo.

Iri ndiro zvakare shoko riri kuchemwa naro nemunyori mukuru werimwe sangano revashandi, re Zimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira, avo vanotiwo hurumende iri kuenderera mberi ichiita zano ndega mune zvakawanda.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano cheR-B-Z, VaPersistence Gwanyanya, vanoti kwasara mazuva mashoma kwazvo ekuti vanhu vazvinzwire mutakunanzva uri kupakurwa neChisnau uyu,vachiti ndiani angade kubika mbodza mushure mekushanda kwenguva yakareba kudai vachigadzira gwaro iri?

Gwaro reMonetary Policy riri kutarisirwawo kuunza mari itsva munyika, iyo iri kunzi “structured currency.”

Gwaro iri, iro rinoburitswa kaviri pagore mushure memwedzi mitanhatu yega yega, raifanirwa kuburitswa muna Zvita wegore rapera, asi zvakakundikana, izvo zvange zvave kupa vakawanda mafungiro ekuti zvimwe bazi rezvemari pamwe neR-B-Z varemerwa nenjuga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG