Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMthwakazi Republic Party Dzakasungwa Muna 2021 Dzoburitswa Mujeri


Mqondisi Moyo, leader of opposition Mthwakazi Republic Party.
Mqondisi Moyo, leader of opposition Mthwakazi Republic Party.

Dzimwe nhengo dzebato rinopikisa reMthwakazi Republic Party dzange dzakatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu dzaburitswa mujeri nhasi. Izvi zvaziviswa nemutauriri webato iri VaMbonisi Gumbo.

Vapfumbamwe ava vakasungwa muna Kurume 2021 mushure mekuratidzira paBulawayo Central Police Station vachida kuti mutungamiri webato ravo VaMqondisi Moyo vasungunurwe mushure mekunge mapurisa apinda pamba pavo nechisimba.

VaGumbo vati madzimai maviri, Sibongile Banda na Busi Moyo vange vari kuKhami Prison vasungunurwa.

Vamwe vana vasungunurwawo kubva kuHarare Central Prison. Vamwe vaviri vachiri mujeri reHarare Central Prison uye vari kutarisirwa kuburitswa muna Chikumi. Mumwe ari kutarisirwa kuburitswa muna 2026.

Forum

XS
SM
MD
LG