Accessibility links

Breaking News

Kuvaka Zambuko Rakaparadzwa neNgarava muAmerica Kwokonzera Gakava


Zambuko reFrancis Scott Bridge mushure mekudumwa nengarava
Zambuko reFrancis Scott Bridge mushure mekudumwa nengarava

Hurongwa hwekuyedza kubvisa simbi dzezambuko reFrancis Scott Bridge rakadumwa nengarava inotakura zvinhu rikanyura murwizi rwe Patapsco huri kuenderera mberi muguta reBaltimore kuMaryland muAmerica.

Vanhu vatanhatu vari kufungidzirwa kuti vakafa pakawondomoka bhiriji iri uye mitumbi miviri chete ndiyo yabuditswa murwizi parizvino.

Hurumende yaVaJoe Biden yapa Baltimore mari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu kuchenesa zambuko iri kuti ngarava dzitange kufamba zvakare. Asi kugadzira zambuko iri kunoda mari inosvika mabhiriyoni maviri emadhora.

Hapana kuwirirana pakati pemaDemocrats nemaRepublicans ari mudare reParamende kuti Marylnad yobatsirwa here nemari iyi.

Gavhuna wedunhu iri VaWess Moore vari kukurudzira kuti mapato maviri aya aite nhaurirano kubatsira dunhu ravo.

Doctor Isaac Mwase, vanova mufundisi wekereke yeUniversity Baptist Church muBaltimore, vanoti zambuko iri harikoshi kuguta reBaltimore nedunhu re Maryland chete asi kunyika yose sezvo zvinhu zvizhinji zvichisvikira panzvimbo.

Izvi zvinosanganisira zvirimwa, zvicherwa, motokari nezvimwe zvichitumirwa kune dzimwe nzvimbo muAmerica nekune dzimwe nyika.

Doctor Mwase vanoti vatungamiri veguta iri pamwe nagavhuna vari kushanda navanhu zvakanaka, vachivimbisa kubatsira vashandi vambomiswa mabasa parizvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG