Accessibility links

Breaking News

Masangano Anomirira Vagari muHarare Opokana nePfungwa yeKuti Kambani yeGeo Pomona Ive Iyo Inotakura Marara muGuta


Geo Pomona
Geo Pomona

Masangano anomirira vagari vemuHarare anoti vagari havasi kuzobvumidza kuti kambani yeGeo Pomona izopiwa mukana wekutakura marara muguta iri.

Mutauriri wesangano recombined Harare Residents Trust, VaReuben Akili, vanoti sesangano havatowirirane nepfungwa yekuti kambani yeGeo Pomona itakre marara muguta reHarare vachiti vakatongogara vasingawirirane nehurongwa ihwohwo kubvira pekutanga

“Saka naizvozvo kuti tiwirirare nehurongwa hwatisingawirirane nahwo husineyi nechekuita ne citizen pariticipation tinoona kuti inyaya inotoshungurudza vagari. Nyaya dzekutakurwa kwemarara kanzuru yegyta reHarare ndiyo yakapiwa tingati paCchirungu mandate,” vanodaro VaAkili.

Vanoti Harare haichatomboda makomba ekuraisra marara akaita sePomona, vachiti kwave kutoda dzimwe nzvimbo itsva dzekurasira marara.

Ukuwo, mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanotiwo sesangano vakamirira vagari, kanzuru yeguta reHarare inokwanisa kutakura marara kana yakapiwa zvainofanirwa kupiwa, zvakaita semari yayo yekukuzvimirira mwematunhu, kana kuti devolution fund.

“Pamari dzavanowana ndinofunga kuti panogona kuita hurongwa hwekuti vagonewo kuvandudza motokari dzavo dzinotakura marara. Kana Geo Pomona iri kuona kuti marara haasi kuuya akawanda kuPomona ngaishandise mari yairi kutotora kare, vape City of Harare kana kuti ngavatenge motokari dzavanodhoneta ku City of Harare kuti marara agone kuunzwa akawanda kuPomona dumpsite,” vanodaro VaShumba.

VaShumba vanowedzera vachiti chikonzero chinogona kunge chiri kuita kuti VaNGuwaya vade kutakura ivo marara chinogona kunge chiri chekuti kanzuru haisi kuendesa marara kuPomona nenyaya yekusada kubhadhariswa mazimari.

Nemusi weChina svondo rino, mukuru weGeo Pomona, VaDelish Nguwaya, vakaudza nhepfenyuro yepadandemutande yeMagamba Network, yeOpen Parly ZW, kuti kambani yavo inofanirwa kuve ive iyo inoona nezvekutakurwa kwemarara muguta iri sezvo kanzuru yeHarare yakundikana, izvo zvaita kuti guta rose rizare nemarara pese pese.

VaNguwaya vakati kanzuru yeHarare yapererwa nemazano ekuti yoita sei nemarara, vakati kambani yavo ndiyo chete ine nzira dzekubatsira nekuraswa kwemarara.

Hatina kukwanisa kubata VaNguwaya kuti tinzwe zvizere panyaya iyi uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira panharembozha yavo tisati taenda pamhepo.

Hatina kukwanisa kubatawo meya veHarare, VaJacob Mafume, kuti tinzwe kuti vanoti kudii nekurudziro yaVaNguwaya iyi. Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanley Gama, vati Meya Mafume ndivo vega vanogona kutaura pamusoro penyaya iyi.

Zvinonzi hapana hukama hwakanaka pakati pekanzuru neGeo Pomona, iyo iri kupomerwa mhosva yekukama kanzuru kuburikidza nekuibhadharisa mazimari kuti ikwanise kurasa marara ayo panzvimbo yePomona, iyo yaive iri yekanzuru yeHarare isati yatorwa zvisina kujeka nekambani iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG