Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, Advocate Talent Rusere, Vosimudzira Basa Ravo reHugweta neMakambani avo muSouth Africa


Advocate Talent Rusere naMai Rusere
Advocate Talent Rusere naMai Rusere

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naAdvocate Talent Rusere, vanove gweta uye vari muzvinabhizimusi vari muCape Town, muSouth Africa.

Advocate Rusere, avo vanobva mubhuku rekwaChikombingo kwaGutu mudunhu reMasvingo, vanoti vakabuda munyika muna 2017 vachityira hupenyu hwavo mushure mekubviswa pachigaro kwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vavanoti vanoshandidzana navo.

Imwe yemambani aAdvocate Talent Rusere
Imwe yemambani aAdvocate Talent Rusere

Vanoti vakambogara munyika dzinoti Mozambique Portugal neNamibia vasati vazoenda muSouth Africa, umo vakazotanga mabhizimisi avo anosanganisira kambani yemagweta pamwe neimwe inoita basa rekushambadzira pamadandemutande.

Advocate Rusere vanoti vanobatsira zvakanyanya vana veZimbabwe vari muSouth Africa, zvikuru vanenge vasina magwaro, avo vavanobatsira pachena.

Asi vanoti hupenyu hahuna kureruka sezvahwaifanirwa kunge hwakavaitira dai vakanga vari kumusha, asi vanoti vanoshanda nemamiriro anenge akaita zvinhu.

Advocate Rusere vanoti vanenge vachida kuvabata vavawana patsambambozha yavo inoti docrusere12@gmail.com.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG