Accessibility links

Breaking News

Dhora reZimbabwe Rosvika paZviuru Makumi Mana ZWL40, 000 Zvichienzaniswa neDhora Rimwe rekuAmerica


Bepanhau reBloomberg tinoti Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZimStat inoti kukwira kwemitengo yezvinhu kana “inflation” yakwira zvakanyanya kusvika pazvikamu makumi mashanu nezviga zvitatu kubva muzana kana kuti 53,3% mwedzi uno kubva pazvikamu makumi mana nemanomwe nezviga zvitanhatu kubva muzana kana kuti 47,6%.

Izvi zviri kuuuya apo dhora remunyika riri kunzi rashaya simba zvakanyanya kune dzimwe nzvimbo.

Kune dzimwe nzvimbo, vanhu vari kuda mari yakawanda vanoti zviuru makumi mana zvemadhora emunyika kana kuti ZWL 40,000 zviri kutenga dhora rimwe chete rekuAmerica kana kuti US$1 to ZWL40,000 Zimbabwe.

Izvi zviri kuuya apo gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuti dhora remunyika richashandiswa kusvika muna 2030 nyika haifanire kurasa mbereko nekufirwa nekushaya simba kwedhora vachiti zvinoitika asi zvichagadzikana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari chipangamazano cheReserve Bank of Zimbabwe VaPersistence Gwanyanya vaudza Studio 7 kuti

Sachigaro werimwe sangano revemabhizimisi reCEO Africa Roundtable VaOswell Binha vaudza Studio 7 kuti zvave kuitika hazvishamise sezvo Zimbabwe yakakurumidza kudzora shora remunyika isati yagadzirisa zvinoda kuitwa.

Forum

XS
SM
MD
LG