Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kusimbisa Huremu hweDhora reMunyika Kana Kumborisendeka Parutivi


Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richishaya simba zuva nezuva.
Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richishaya simba zuva nezuva.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevemapato anopikisa vari kukurudzira hurumende kuti ikurumidze kutora matanho akakodzera ekudzikamisa huremu hwedhora renyika sezvo risisina huremu, kana kuti rosendekwa parutivi kwechinguva nyika yomboshandisa dhora rekuAmerica chete.

Mutungamiri wesangano revezvitoro, reZimbabwe Retailers Association, VaDenford Mutashu, vanoti kuti dambudziko remari yemunyika rigadziriswe hurumende inofanirwa kuramba ichitsvagiridza nzira dzinoita kuti mari yenyika isarambe ichishaya simba.

Munyori anoona nezvehupfumi mubato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, Doctor Tapiwa Mashakada, vanoti hurumende inofanirwa kusendeka parutivi nyadzi dzayo yoita kuti nyika ishandise mari yekunze kusvika zvinhu zvakadzikana.

"Maonero edu isusu sebato rinopikisa ndeekuti tinofanira kuvaka hurumende, tiipe mazano painokundikana. Isu chatinoda sema Zimbabweans ndechekuti tichidzokera ku U.S. dollar. Kana ku Rand zvako.

"Timbosendeka currency yedu kusvika tanyatsa kuisimbisa nama measures anenge kuvaka ma reserves edu egold, nokuwedzera production mu industry. Tadaro tozoti dollar riya ngarichidzoka. Asi harigoni kurarama Zimbabwean dollar kana paine strong currency yakaita se U.S. (dollar)," Doctor Mashakada vanodaro.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kunyange hazvo zvakakosha kuti nyika ive nemari yayo, nyaya yemari iri kutenderera munyika inofanirwa kugadziriswa kuitira kuti dambudziko iri ripere.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Asi vaimbove gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa uye vari mumwe wevari kufanotungamira bato reCitizens Coalition for Change, VaTendai Biti, vanoti vana veZimbabwe vanofanirwa kutongoramba zvachose dhora remunyika.

"Vari kuda kuramba vakangobatirira pchiZimbabwean dhora ichocho nekuti vari kuchishandisa kubira vanhu, kubira makambani, nekusabhadhara zvikwereti. Zimbabwean dollar chikwambo. So, Zimbabweans should refuse this impostor currency that has destroyed people's lives and people's livelihoods," vanowedzera vachidaro VaBiti.

Kunyange hazvo paine kurudziro yevamwe vari kuti nyika imbosendeka parutivi dhora remunyika kusvika zvinhu zvagadzirisika, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakaudza nyika mukupera kwesvondo umu kuti havasi kuzoregedza kurishandiswa kunyange hazvo riri kuramba richipera simba zuva nezuva.

Dhora remunyika riri kudonha zuva nezuva zvekuti muzuva ranhasi Chipiri muzvitoro zvikuru dhora rimwechete rekuAmerica ranga richichinjaniswa nemadhora emunyika zviuru makumi maviri nechimwe, kuchitiwo pamusika mutema richitengwa nemari inodarika zviuru makumi matatu zvemadhora emunyika.

Mutemo wenyika unonzi unobvumidza zvawo kushandiswa kwedhora remunyika pamwechete nemari dzekunze kusvika muna 2030, kunyange hazvo dhora rekuAmerica riri iro riri pamberi mukushandiswa mune zvizhinji zvinotengwa kana kutengeswa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG