Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaTrump Anoti Makambani Makumi Matatu Akaramba Kuvabatsira neMari yeChibatiso paMhosva Yavakabatwa Nayo


Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vagere pakati pemagweta avo mudare redzimhosva
Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vagere pakati pemagweta avo mudare redzimhosva

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakati vashaya kambani inovapa mari yechibatiso inosvika mamiriyoni mazana mana nemakumi matanhatu nemana kana kuti US$464 million.

Mari iyi ndeyekuti kuti vakwanise kupikisa mutongo wakapihwa nedare remunew york kuti vadzosere mari dzavanonzi vakawana zvehuori nekubhadhara mitero iri pasi pasi pane yakatarwa uye kuwedzeredza hupfumi hwavainahwo kuti vawane zvikwereti.

VaTrump vanofanira kubhadhara mari iyi kuti vasatorerwe midziyo yavo pavanenge vachiyedza kupikisa mutongo uyu kudare repamusoro. VaTrump avo vari kumiririra maRepublicans musarudzo yemutungamiri wenyika vachakwikwidzana naVaJoe Biden vemaDemocrats nevamwe vakazvimirira.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKenndy Masiye vanoshanda nesangano reAll Hands on Justice vaudza Studio 7 kuti kana musi wa25 Kurume ukapfuura VaTrump vasina kubhadhara mari yechibatiso iyi, vanenge vazvipinza pakaoma nekuzvinyadzisa munharaunda yezvemabhizimisi.

VaMasiye vanoti kutadza kubhadhara mari iyi pazuva rakatarwa iri kunopa gweta guru redunhu reNew York, Amai Leticia James, mukana wekutengesa zvimwe zvivakwa zvaVaTrump kuti dunhu reNew York riwane mari yarinonzi rakabirwa naVaTrump kwemakore akawanda

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG