Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Inotungamira Mujaho weCastle Lager Premier Soccer League


Chikwata cheFC Platinum
Chikwata cheFC Platinum

Chikwata cheFC Platinum chatora hutungamiri hwegungano renhabvu yepamusoro munyika, reCastle Lager Premier Soccer League kwatambwa mitambo maviri kubva zvatanga makwikwi aya.

Chikwata ichi chatora hutungamiri hwegungano iri mushure mekushanya kumaruwa eMhondoro-Ngezi ndokurova Ngezi Platinum Stars 2-0 muBaobab Stadium.

Zvibodzwa zvabva kuna Wilfred Muvirimi zvapa Platinum kukunda uyezve mapoinzi matatu ayo aibatsira kukwira pamusoro petafura.

FC Platinum yave nemapoinzi matanhatu kubva mumitambo miviri mushure mekurova Chegutu Pirates 1-0 svondo rapera.

Asi murairidzi weKugona Kunenge Kudada, Norman Mapeza, anoti rwendo rwuchiripo.

"Munhu wese anoda zvakanaka asi hatisi tese tinokwanisa kuzozviwana mukupera kwenwaka. Tongotarisira kuti mwari achatitungamirira tozofara mukupera kwemwaka," anodaro Mapeza.

Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza
Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza

Kukunda kweFC Platinum kwauyawo munguva iyo chimwe chikwata chine mukurumbira che Caps United chakundawo Herentals 2-0 kuNyamhunga Stadium.

Murairidzi wemutambo wenhabvu, Mugove Makanyire, anoti FC Platinum kana chimwe chezvikwata zvine mukurumbira ndicho chichatora mukombe uyu.

" Ndinofungira Ngezi Platinum Stars asi ana FC Platinum havana kukotsira. Ana Dynamos nana Highlanders mateam mahombe nana Caps United ava. Saka kwakaoma," adaro Makanyire.

Dynamos yaita mangange 2-2 neHwange muBarbourfields Stadium mushure mekunga Dembare yambotungamira 2-0.

Mutambo uyu wanonoka kutanga mushure mekunge unifomu yemubati wepagedhe weDynamos, Martin Mapisa, yafanana nedzevatambi veHwange.

Mubati wepagedhi weDynamos, Martin Mapisa
Mubati wepagedhi weDynamos, Martin Mapisa

Simba Bhora, iyo yanga ichitungamira makwikwi, aya yawira pasi mushure mekuita mangange 1-1 neGreenfuel, Chicken Inn ndokuitawo mangange 0-0 neArenel Movers.

Asi Manica Diamonds yarohwa zvekare, asi iko zvino 3-1 neTelOne muBata Stadium.

Izvi zvauya mushure mekunge Manica Diamonds svondo rapera yakarohwa 3-2 pamusha neSimba Bhora.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaKelvin Mushonga, vanoti zvichanetsa kuchikwata chemangoda ichi kukwanisa kubata sechikwata sezvo chiine vatambi vatsva vakawandisa vachakatenga pamwe nevachaive navo kare.

"Maplayers ayakatora akabva kuzvikwata zvakasiyana siyana. Kuti vazojairana zvekutamba vese, zvichatora nguva," anoona Mushonga.

Mimwe mitambo iriko mangwana inenge yakamira seizvi..

Bulawayo Chiefs v Highlanders – Barbourfields,

Chegutu Pirates v ZPC Kariba - Baobab.

NeChitatu svondo rinouya Yadah ichange yakananga ku Lithium Stadium kuBikita kunosangana neBikita Minerals, iyo ichangopinda muPSL.

Amai Elleta Nengomasha veSports and Recreation Commission
Amai Elleta Nengomasha veSports and Recreation Commission

Totarisa makundano eAfrica Games ayo ari kuitirwa kuGhana;

Mutambi wetenesi wemuZimbabwe, Benefict Badza, asimudzira makundano ake zvine mutsindo mushure mekurova Ahmed Mouhani wekuLibya 2-6, 6-2 (10-5)

Asi Falix Tazvivinga arohwa 6-0, 6-1, naChristian Utopia weku Ivory Coast.

Mukuru wekumahofisi eSports and Recreation Commission, Muzvare Elleta Nengomasha, vati vamwe vatambi vemuZimbabwe, Benjamin na Courtney Lock, vanga vasati vapinda munhandare.

Pari zvino, Zimbabwe yatora menduru ina dzinoti yehoridhe, yesirivha nembiri dze bronze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG