Accessibility links

Breaking News

Vamwe veChidiki Voita Zvine Pundutso Kunyangwe Zvinhu Zvakaoma


Sangano revechidiki reZimbabwe Sunshine Group
Sangano revechidiki reZimbabwe Sunshine Group

Kunyange hupfumi hwenyika husina kugadzikana, kune vechidiki vari kuita mishando iri kubatsira nharaunda dzavanogara, zvinoratidza kuti kana vakapiwa mikana, vanokwanisa kusimudzira nyika munyaya dzezvehupfumi uye kugara zvakanaka kwevanhu.

Mumwe wechidiki ari kuita basa rinoyemurika munyika, NdiLancos Kuuyangepi, mugari wekuShamva, uyo akavamba sangano rinobatsira vechidiki kusiya zvinodhaka, reLancos Drug Abuse Reintegration Facility.

VaKuuyangepi vati, "Takaona dambudziko rekutora zvinodhaka munharaunda yedu tikabva tavamba sangano rinorwisa kutorwa kwezvinodhaka.”

Vatizve, Izvozvi tiri kuedza kubatana nevabereki kuona kuti tingabatsira sei vechidiki vari kutora zvinodhaka. Zvinodhura kuendesa munhu anotora mitoriro nezvimwe, kunzvimbo dzekunoti anobatsirika, ndizvo isu tiri kuedza kubatsiridzawo kubudikidza nesangano redu.

Hazvisi zvese zvatinofanira kumirira hurumende kuti iite, isu tichiona vana vachiparara takatarisa."

Asi Lancos anoti haisi nyore kuti sangano rakaita serake rirambe richibatsira nharaunda yaari, "Dai zvaibvira tawanawo nzvimbo hombe yekuita basa iri.”

Vaendererera mberi vachiti, “Kutaura kuno tiri kushandira pamba pasina nzvimbo yakakura zvatingada. Hurumende kana kanzuru dai yatibatsirawo nenzvimbo yekuvaka chivakwa chinokwanisa kugarwa nevanhu mazana maviri nekuti dambudziko ratinaro rakakura. Tinodawo kubatsirwa nezvikwanisiro zvinoita kuti basa rifambe, vabereki vasaomerwe nekubvisa mari yekuti vana vavo vabatsirwe nekuti zvinodhura."

Sangano revechidiki reZimbabwe Sunshine Group, nderimwe riri kuita zvidadiso munyaya yekurwisana nekuchinja kwemamiriro ekunze.

Studio 7 yataura nemumwe wevatungamiri vesangano iri, Cliff Chivanga, uyo atsanangura basa ravanoita. VaChivanga vati, "Takavamba sangano iri taona kuti marara anokonzeresa zvirwere uye kuchinja kwemamiriro ekunze.” Vatizve, “Takaonawo kuti vanhu vanogona kuita mari kubudikidza nemarara iwawa. Saka tinobatsira nzvimbo dzatinoshandira kuti nharaunda dzigare dzakachena, uyewo nekudzidzisa vanhu pamusoro pekugadzirawo mufudzi nezvimwe zviwanikwa, kuchishandiswa marara."

Cliff anoti vanhu vari kufarira basa riri kuitwa neZimbabwe Sunshine Group, naizvozvo vachawedzera mwando. Ati, "Basa hatisi kumira.” Aenderera mberi achiti, “Tinotokumbira kuramba tichitsigirwa nemamwe masangano, kuitira kuti tikushe shoko. Uyezve, sezvo hunyanzvi tava nahwo, isuwo tava kudzidzisawo vamwe vechidiki pamusoro pekukoshesa nharaunda yavo, uyewo kuwana chouviri kubva mumarara. Kushanda pamwe uku kunobatsira kuti zvinangwa zvedu zvizadzikiswe."

Mabasa anonwisa mvura ari kuitwa nevechidiki aya, ari kuitika munyika ine dhora riri kupera simba mazuva ose, uye mitengo yezvinhu ichingokwira madiro, zvinonzi nenyanzvi dzinowongorora nyaya dzevechidiki, zvinoratidza kuti vechidiki vanokwanisa kusimudzira hupfumi hwenyika ino, kana vakawaniswa mikana yakazara.

Munyori mubazi rinoona nezvenyaya dzevechidiki, VaSolomon Mhlanga, vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuedza nepese painogona kuwanisa vechidiki mikana yekupunduka.

Mutevedzeri wemukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko kuchikamu chinoshanda nebazi revechidiki, cheZimbabwe Youth Council, VaTanzikwa Guranungo, vaudzawo Studio 7 kuti vechidiki vanoda kuvamba mabhizimusi vanogona kubatsirwa pachena nechikamu chavo.

VaGuranungo vati, "Vechidiki vari kudzidziswa mabasa emaoko, uye kuti vangariritira sei mishando yavo.” Vatiwo, “Isuwo tinovabatsira kuti mabhizimusi avo ange achizivikanwa zviri pamutemo. Hongu zvinhu zvakaoma munyika, asi mikana irikowo yakawanda chose, mumapazi ese ehurumende. Ndinoti kune vechidiki, ngatishandisei mikana iyi, kungave munyaya dzezvezvicherwa, kurima nezvimwe."

Vanowongororawo nyaya dzemabhizimusi, uye vari mukuru wesangano reResearch and Advisory Services, Doctor Nyasha Kaseke, vanoti mukuoma kwezvinhu, ndimo mune mikana mizhinji inofanira kushandiswa nevechidiki.

Doctor Kaseke vati, "Mumvonga-mvonga yakaita seiri munyika parizvino, ndimo munoita kuvamba mabhizimusi anobudirira nekuti haasi munhu wese anenge achida kuita zvemabhizimusi. Kana zvinhu zvikanaka, zvinovhurawo mikana yakawanda yekuti vanoda kutanga mishando vatange, kusanganisira vanobva kunze kwenyika. Vechidiki ngavatange mabhizimusi avo munguva ino, vongoita kuti asaparare, kubudikidza nekutengesa zvinoenderana nemamiriro ehupfumi hwenyika."

Dzimwewo nyanzvi dzinowongorora nyaya dzevechidiki dzinoti hurumende nemasangano anoshanda akazvimirira, vanofanira kuramba vachitsigira vechidiki ava, kuitira kuti vawanewo zvinobatika zvavanobatsira nazvo nharaunda dzavanogara, pamwechete nenyika. Izvi zvinopa kuti vasaite mabasa erima akafanana nechipfambi, kuba kana kushandisa zvinodhaka.

Forum

XS
SM
MD
LG