Accessibility links

Breaking News

Misika yeFodya Yavhura Asi Varimi Vachichema Chema neMari Dzavari Kupihwa neHurumende


Misika yefodya yavhurwa muHarare nhasi varimi vachitsutsumwa kuti mutengo wefodya wakadzikira pane zvavange vachitarisisa.

Misika yavhurwa muHarare nhasi ndeinoti Tobacco Sales Floor ne Premier Tobacco Sales Floor, uko varimi vakaita saAmai Angeline Mawadze vasina kufara nemitengo yange iri pamisika iyi.

“Pamutengo apo ndanga ndakatarisira kuti uchadarika madhora mashanu pakirogiramu nemapisiro akaita zuva. Kudiridza kwaidhura saka daivakwanisa kuti wedzera mari .“

Chimwewo chisina kufadza varimi kuderedzwa kwemari yemadhora ekuAmerica yavachapihwa mushure mekutengesa fodya yavo, kubva pazvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana (85 percent) zvavaipihwa mwaka wapfuura kusvika pazvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana kana kuti (75 percent) gore rino.

VaTrust Kasinamuchengi, avo vanorima kuMatepatepa kuMashonaland Central, vanoti vange vachitarisira kupihwa mari yekunze yakawanda gore rino. VaKasinamuchengi vati, “Pamari apa tanga ichikumbira kuti dai tangodzorerwa yatange tiinayo gore rapera nekda kwenzara yatakasangana nayo."

Asi vachivhura misika yefodya zviri pamutemo, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaCostantino Chiwenga, vati hurumende yakatora danho rekuenzanisa varimi vefodya nevamwe vanotengesa zvimwe zvirimwa, zvicherwa kana zvigadzirwa. vaChiwenga vati, “Zvakange zvisina kuita rusarura saka takati vanhu vese vafanane.”

Bhero rekutanga ratengwa nemadhora mana nemasendi makumi mapfumbamwe nemasendi maviri pakirogiramu (US4.92) kunyange hazvo varimi vange vachitarisira mari inosvika kumadhora matanhatu pakirogiramu.

Mamwe mabhero efodya atengwa nemitengo yange ichitove pasi pedhora nemasendi makumi mashanu ekuAmerica pakirogiramu, mutengo unonzi nevamwe varimi hauna chaunovaunzira kuhomwe dzavo, vachiti mari iyi ishoma zvakanyanya kana zvichienzaniswa nekudhura kuri kuita zvikwanisiro izvo zvave kutengeswa mumadhora eku America.

VaChiwenga vakurudzira varimi kuti vatsvage mari yekunze pamusika weReserve Bank of Zimbabwe Auction Floors, asi mumiriri werimwe sangano rinomirira varimi vefodya, reProgressive Tobacco Farmers Association, VaMutandwa Mutasa, vati vazhinji havazive musika uyu.

VaChiwenga vati hurumende iri kutora matanho ese ainokwanisa kutsigira mabasa ekurima fodya munyika, vachiti fodya yakakosha sezvo ichiunza mari yekunze munyika.

Asi mutungamiriri werimwe remasangano anomirira varimi vefodya munyika, reZimbabwe Tobacco Growers Association, VaGeorge Seremwe, vati vanoshushikana kuti makambani ekunze, kana kuti Contractors, ndiwo ari kutsigira kurimwa kwefodya munyika izvo zviri kuita kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda nemabasa. VaSeremwa vati, ‘Chatiri kuda isu ndechekuti titsigirwewo nemabhanga emuno saka zvinhu zvatiri kutarisira kuti kana zvichibvira mabhanga emuno ngaatsigire varimi vefodya”

Kambani huru inogadzira fodya pasi rose yeChina National Tobacco Corporation ndiyo inopa vari vakawanda zvikwanisiro zvekurima fodya asi vachifanira kuitengesa kwairi chete.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvamari, VaMasimba Manyanya, vati zvakakosha kuti hurumende itsigire kurimwa kwefodya nekuti inounza mari yakwanda munyika. VaManyanya vati, “Hurumende yedu haisi kutarisa kukosha kwefodya”

Zimbabwe yange yakatarisira kuwana makirogiramu efodya mamiriyoni mazana maviri nemakumi matanhatu nemashanu (265m kgs) asi goho radzikira nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura kwakonzerwa neEl Nino uye pave kutarisirwa goho riri pasi kana kusvika pamakirogiramu mamiriyoni mazana maviri nemakumi matatu nemashanu (235 million kgs).

Nyika inotengesa fodya kunyika dzinodarika makumi matanhatu uye gore rapera chete yakawana mari inoita bhiriyoni imwechete nemamiriyoni mazana matanhatu emadhora ekuAmerica (US$1.2billion) pakutengesa fodya.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano re Labour, Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vati fodya yakakosha kuhupfumi hwenyika. Doctor Chitambara vati, “Nenyaya yekuti mari yekunze inowanda munyika, kuwanda kwemari iyi kuonitika kuti zvinhu zvidzikame pamusika wemari.”

Sachichigaro wekambani yeTobacco Industries Marketing Board (TIMB), VaPat Davenish, vati kunze kwemisika miviri yavhurwa nhasi, makambani anotenga fodya akazvimirira makumi matatu nematanhatu (36) (Contractors) achatanga kutengawo fodya mangwana muHarare nedzimwe nzvimbo dzakaita seKaroi, Bindura, Mvurwi Marondera neRusape.

Vatiwo vanofara kuti pane dzimwe nzvimbo itsva dzatangawo kurima fodya dzakaita seMutoko.

Vakurudzira varimi kuti vasiyane nenyaya yekutema miti kuti vaomese fodya vachiti zvinokanganisa hukama hwavo nevanotenga fodya uye vazivisawo kuti pane ongorora iri kuitwa kuti varimi vashandise gasi pakuomesa fodya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG