Accessibility links

Breaking News

Muzinda weAmerica muZimbabwe Unoti Zvirango Zvakatemerwa VaMnangagwa neVamwe Zvinobviswa Vakamira Kutyora Kodzero dzeVanhu neKuita Huori


Vari kutungamira muzinda weAmerica muZimbabwe kana kuti US Embassy in Zimbabwe Charge d' Affaires VaLawrence Socha
Vari kutungamira muzinda weAmerica muZimbabwe kana kuti US Embassy in Zimbabwe Charge d' Affaires VaLawrence Socha

America inoti ichiri kunetsekana zvikuru nenyaya yehuori nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe uye vakatemerwa zvirango nezuro vanosanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kuchinja maitiro.

Pamusangano nevatori venhau muHarare nhasi, mumiriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe VaLaurence Socha vati vari kushushikana nenyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Vamwe vakaiswa pazvirango izvi vanosanganisira mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga, musori, Brigadier Walter Tapfumaneyi, muzvinabhizimusi VaKudakwashe Tagwirei naVaObey Chimuka.

VaSocha vatiwo parizvino America haina hurongwa hwekubvisa mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZIDERA.

Mutemo weZIDERA wakaiswa muna 2001 uye unosungira Zimbabwe kuti iite sarudzo dzakachena, kuti hurumende iremekedze kodzero pamwe nekugadzirisa nyaya dzehuori.

Asi mukuru muboka wezvekuburitswa kwemashoka munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika VaRichard Mahomva vati zvakona n’anga murapwa achida pakudyidzana neAmerica.

Nyanzvi munezvehupfumi VaMasimba Manyanya vakamboshanda muhurumende vati Zimbabwe inofanirwa kungogadzirisa nyaya dzehuori nehutongo hwejekerere yodyidzana nedzimwe nyika zvakanaka.

Imwe Nyanzvi munezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe VaProsper Chitambara vati zvirango zvakaiswa izvi zvinogona kukanganisa hupfumi hwenyika.

Asi VaMartin Zhuwarara avo vanotungamirira sangano re Citizens Against Economic Sanctions vati vavariro yeAmerica ndeyekugwadamisa hupfumi hwenyika…

Asi nyanzvi munezvematongerwo enyika VaHerbert Chamuka vati zvirango zviri kusanganwa nazvo nevana veZimbabwe nekuda kwekwavati kutadza kutonga kwebato reZanu PF zviri kurwadza kudarika zvirango zvapiwa kune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe neAmerica.

VaSocha vaudza vatori venhau kuti zvirango hazvisi zvehupenyu hwese uye hazvinei nenyika yese asi vanhu gumi nemumwe vari upomerwa mhosva yekuita zvehuori nekutonga nedemo. Mamwe emakambani aiswa pazvirango izvi iSakunda Holdings, Fossil Agro neFossil Contracting.

Zimbabwe inogaroti zvirango izvi ndezvenyika yose. VaMnangagwa ndivo mutungamiri wenyika muAfrica kutemerwa zvirango zvinonzi Magnitsky Act zvinopa America masimba ekuranga vainopomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu nekuita zvehuori.

Mumwe mutungamiri wenyika akatemerwawo zvirango izvi ndiVaNicolas Maduro vekuVenezuela.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG