Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Kusungwa Kwakaitwa Muzvare Mahere Kwaive Kuvambunyikidza


Muzvare Fadzayi Mahere
Muzvare Fadzayi Mahere

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasri reAmnesty International rinoti zvakaitwa nemapurisa zvekusunga vaive mumiriri weMount Pleasant mudare reparamende uye vaivewo mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere nekuvaendesa kwavo kuChikurubi kwaiva kuvambunyikidza.

Izvi zvinotevera mutongo wedare repamusoro reHigh Court nhasi wekurasa mhosva yainge yabatwa nayo Muzvare Mahere yekuti vakafambisa mashoko emanyepo pakuti mapurisa akarova mumwe mwana ainge akaberekwa naamai vake akafa muHarare muna 2021.

Dare repamusoro iri rati dare ramejastiriti rakaresva pakubata Muzvare Mahere nemhosva sezvo mhosva iyi yakabviswa mubumbiro remitemo.

Vamwe vakabatwa nemhosva iyi mutori wenhau Hopewell Chin’ono nevaimirira Zengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala. Rimwe gweta raMuzvare Mahere VaChris Mhike vaudza Studio 7 kuti vachiri kuzeya kuti votorera mapurisa akavasunga matanho api.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kana muchuchusi mukuru wehurumende Amai Loyce Matanda Moyo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Mhosva iyi yakabviswa mumbiro remitemo muna 2014 nedare repamusoro soro reConstitutional Court mushure mekunge vatori venhau veZimbabwe Independent vanoti Constantine Chimakure, Vincdent Kahiya naIden Witherel vapikisa mhosva yavainge vapomerwa yekuti vakanyora mashoko enhema pavakati mapurisa nevasori vainge vaine chekuita nekupambwa nekuitwa kafiramberi kwevanopikisa muna 2008 munguva yesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG