Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vobhadhariswa Faindi


Tendai Biti - CCC
Tendai Biti - CCC

Vaimbove gurukota rezvemari vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaTendai Biti, nhasi vanzi nedare vabhadhare faindi yemadhora mazana matatu ekuAmerica kana kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekubatwa nemhosva yekutuka mumwe muzvinabhimisi wekuRussia, Amai Tatian Aleshina, makore mana apfuura.

Mutongi, Amai Vongai Guwuriro vatiwo VaBiti havafanire kupara mhosva yakadai zvekare mumakore mashanu anotevera.

VaBiti vatobhadhara mari iyi uye gweta ravo, VaAlec Muchadehama vati havana kufara nemutongo uyu uye mangwana chaiwo vari kukwira kudare repamusoro reHigh Court kunoupikisa.

Amai Aleshina vanoti vanofara chose nemutongo wedare uye unoita kuti madzimai eemuZimbabwe azive kuti matare anoremekedza kodzero dzavo.

Shamwari yaAmai Aleshina, Amai Elizabeth Mucheche, vanoti havana kufara nemutongo uyu sezvo vange vachitarisira kuti VaBiti vakandwe mutirongo.

Asi mumwe mutsigiri waVaBiti ange ari mudare, Amai Agnes Togarepi, vanoti havana kufara nemutongo uyu sezvo VaBiti vasina kurova Amai Aleshina.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaPanganayi Charumbira vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti VaBiti vaomeserwa nekuti vamwe vakapara nyaya dzakakura kudarika yaVaBiti vakapihwa mitongo yakareruka.

Muchuchusi, VaTafara Chirambira vange vachida kuti VaBiti vapihwe mutongo wakaomarara asi VaMuchadehama vati VaBiti igweta uye munhu anoita mabasa akanaka munharaunda yaanogara uye vakamboita gurukota rehurumende pamwe nekuva nhengo yeparamende zvekuti faindi ndiyo inoenderarana nemhosva yavakapara.

VaBiti vanonzi muna 2020 vakatuka Amai Aleshina padare ramajsitiriti izvo zvakaita kuti vavhunduke zvakanyanya. VaBiti vanonzi vakati , You stupid, stupid, stupid idiot pamwe nekuvatendeka tendeka.

Amai Aleshina vakaudza dare kuti vakapindwa nekutya zvakanyanya zvekuti vakamhanya kumuzinda wemumiriri weRussia muZimbabwe ndokuzoenda kuchipatara uko vakanorapwa.

.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG