Accessibility links

Breaking News

Muimbi Bernard Betera Anobura Kambo Katsva Kanokurudzira Kubatana kweAfrica


Muimbi Bernard Betera.
Muimbi Bernard Betera.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, taita hurukuro nemuimbi ane mukurumbira, Bernard Betera, uyo anove mumwe wevaimbi vakadzidziswa zvemagitare kupakare paya namushakabvu Oliver Mtukudzi, uyo akaitawo mukurumbira pasi rese.

Betera achangobva kubura kambo katsva kari kufadza vazhinji kanonzi "Africa Unite," ako kari kukurudzira kubatana kwevana veAfrica.

Muimbi uyu anoti kambo aka akakanyora nechinangwa chekubatanidza vana vemuAfrica kuburikidza nemimhanzi kuti vanhu vese vacherechedze kukosha kwekubatana sevana vemudunhu rimwechete.

Anotiwo “AFRICA UNITE”, iri kuridzwa munzvimbo dzakasiyana siyana uye pamadandemutande eYoutube, ne Facebook, achiti anotenda vatsigiri vake nekumupa shingiso neshungu dzekuramba achitsikisa mimwe mimhanzi yekufadza nekudzidzisa vanhu.

Vanoda kubata muimbi vanomuwana panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 77 722 4320, kana paFacebook pasi pezita rake Bernard Betera Music.

Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi weChishanu svondo rinouya.

Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano paStudio 7 tibateyi paWhatsApp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG