Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Hadzisi Kushamisika neDanho reSADC Rekungonyarara paNyaya yeSarudzo dzemuZimbabwe


Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hadzisi kushamiswa nenyaya yekuti SADC yatosendeka parutivi nyaya yesarudzo dzemuZimbabwe dzayakati hadzina kufambiswa zvakanaka ichitoenderera mberi nehurongwa hwekuti Zimbabwe ive sachigaro wegungano iri.

SADC ine chikwata chiri munyika parizvino chiri kutungamirirwa nemutevedzeri wemukuru wesangano iri Amai Joyce Kateerera avo vakati vafambira nyaya yekugadzirira kuti Zimbabwe itore husachigaro hwesangano iri kubva kuAngola muna Nyamavhuvhu.

Chigaro chekuva sachigaro weSADC hachizi chekuvhoterwa asi kuti chinochinjanwa gore roga roga nenyika gumi nenhanhatu (16) dziri mugungano iri. VaMnangagwa parizvino ndivo mutevedzeri wasachigaro weSADC parizvino VaJoao Lourenco vekuAngola.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari mutungamiri wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions [COMALISO] Zimbabwe, VaRejoice Ngwenya vanoti kunyangwe chigaro ichi chiri chedzoro zvange zvakanaka kuti nyaya yenyunyuto dzesarudzo munyika itange yagadziriswa.

Mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vati vari kushushikana nemabatirwo akaitwa zvinyunyuto zvavo neSADC

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vakambotungamira sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development VaJoy Mabenge vanoti kuti SADC kukama mbada.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira VaSydicks Muradzikwa vanoti bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rakazopedza nguva yakawanda rakabatana pahuro pane kutora matanho kuti sarudzo dzidzokororwe.

Nyanzvi munezvematongerwo enyika VaBhekezela Gumbo vanoshanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute vati SADC inonyanyokoshesa runyararo pane hutongo hwejekerere.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF VaFarai Marapira vati vari kufara kuti rave dzoro raVaMnangagwa kutungamirira SADC uye vane chivimbo chekuti vachabata basa nemazvo

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaMunjodzi Mutandiri vanoshanda nesangano reSouthern Africa Liason Office vati havana chivimbo kuti VaMnangagwa vachabata basa nemazvo

Chikwata cheSADC chiri munyika kusvika musi wa24 Kukadzi kugadzirira kuti Zimbabwe itore husachigaro. Vaive mutungamiri wenyika yeBotswana VaQuett Masire ndivo vakave sachigaro wekutanga weSADC muna 1980 kusvika 1989. Nyaya yekuita dzoro rekuva sachigaro yakazotanga muna 2000. Vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaitawo sachigaro muna 2014 kusvika 2015.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG