Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekudzingwa kweNhengo dzeCCC naVaTshabangu Yotadza Kuenderera Mberi muDare rePamusoro Soro


Dare repamusoro soro reSupreme Court nhasi ratadza kunzwa nyaya yenhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) gumi neina dzakadzingwa nevanozviiti ndivo munyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu mushure mekunge zvatadza kubhadhara mari inodiwa nedare kana munhu achipikisa mutongo wedare inosvika mashora zviuru zvishanu kana kuti US$5000.

Zvaitika izvi zvaita kuti vatongi panyaya iyi, Justice Elizabeth Gwaunza, Justice Antoneta Guvava naJustice Elphius Chitakunye vabvise nyaya iyi pamberi pedare iri. Gweta renhengo dzeCCC dzakadzingwa Advocate Amanda Ndhlovu vati zvaitika nhasi hazvirevi kuti nyaya iyi yaraswa zvachose.

Rimwe remagweta, aVaTshabangu, VaNqobani Sithole vanoti havasi nezviri kuitwa nevakadzingwa ava.

VaJameson Timba avo vanotungamirira chimwe chikwata cheCCC chine nhengo dzakadzingwa naVaTshabangu vati vakabhadhara mari asi yakanonoka kuonekwa nemamwe magweta.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato riri kutotonga reZanu PF VaFarai Marapira vati kusabhadhara mari kuri kuitwa neCCC kunoratidza kuti nyaya yavo haina chiremerera.

Tichiri panyaya dzange dziri mumatare, imwe kambani yekuChina, yeSan He Mining iyo inoshandira kuGuruve yakabhadhariswa mazana manomwe ekuAmerica mushure mekubatwa nemhosva yekushandisa michina yemasaisi yekambani yekuAmerica yaita mukurumbira pasi rose yeStarlink zvisina mvumo.

Bazi revachuchusi munyika razivisa vatori venhau nhasi kuti kambani iyi yakatyora mutemo wePostal and Telecommunications Act nekushandisa michina yeStartlink isati yapihwa mvumo yekushandiswa muZimbabwe nePOTRAZ.

Vakuru vekambani iyi yakasungwa musi wa5 Zvita gore rapera mushure mekunge POTRAZ yamhan’ara kumapurisa ayo akaenda kumugodhi wekambani iyi akandowana michina yeStarlink ichishandiswa zvisina mvumo.

Kunze kwekambani yekuChina iyi pane vamwe vanhu vaviri vakasungwa kuVictorial Falls neBulawayo vachishandisa Starlink zvisina mvumo uye nyaya dzavo dzichiri kumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG