Accessibility links

Breaking News

IMF Yokurudzira Zimbabwe Kuti Igadzirise Dambudziko reDhora Rayo Roramba Richishaya Simba


Zimbabwe Economy Inflation
Zimbabwe Economy Inflation

Bhanga guru rinokweretesa mari reInternational Monetary Fund rakurudzira Zimbabwe kuti ikurumidze kugadzirisa dambudziko remari yemunyika iri kuramba ichishaya simba uye yoregedza kuda kuisa ruoko rwayo pakutara huremu hwemari iyi.

Mashoko aya auya apo IMF yapeta rwendo rwayo rwemavhiki maviri kuZimbabwe rwunonzi Article 4 rwakanangana nekuyedza kuti Zimbabwe ibatsirwe kuti itange kudyidzana nedzimwe nyika nevanokweretesa mari ichiratidza kuti yakazvipira kudzika mitemo inosimudzira kuitwa kwemabhizimisi munyika.

Zimbabwe yave nemakore anodarika makumi maviri isina kupihwa rubatsiro nevekunze vakaita seveWorld Bank neIMF yacho nekuda kwekutadza kubhadhara zvikwereti. Nyika ine chikwereti chinodarika mabhiriyoni gumi nemasere kana kuti 18, 7 billion kunze kusanganisira mitero pazvikwereti kana kuti maarrears.

Mutungamiriri wechikwata cheIMF chakauya kuzongorora mamirire akaita hupfumi pamwe nekupa mazano kuhurumende ekuti hupfumi hungavandudzwe sei VaWojciesk Maliszewski, vati Zimbabwe ine mukana mukuru wekukudza hupfumi kana ikavandudza misika yayo yemari nezvimwe.

Vatiwo nyaya huru inonoda kugadziriswa inyaya yekusiyana kwemitengo yemairi yekunze pamusika weReserve Bank pamwe nemutengo unoshandiswa nevemakambani vachiti izvi zvinoita kuti vemakambani vashandise mitengo yepamukoto izvo zvinoita kuti hurumende irasikirwe nemari yemitero.

Vatiwo vanofara chose nemamwe matanho ari kutorwa nehurumende kugadzirisa hupfumi akaita sekumisa kupindira kweRBZ pamashandisirwo emari nehurumende kana kuti Quasi Fiscal Activities ichiaendesa kubazi rezvemari.

Vaenderera mberi vachiti kambani ichange yave kuona nezvemashandiro emakambani ese ehurumende yeMutapa Investment inofanira kushanda zvakajeka kuti vanhu vave nevimbo nemashandiro ayo.

VaMaliszewski vati IMF haikwanise kubatsira Zimbabwe nemari nekuda kwezvikwereti zvayo uye haisati yave nehwaro hwakati tsvikiti hwekubhadhara zvikwereti zvayo.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti nhaurirano dzavo neIMF dzakafamba zvakanaka uye vanobvumirana nezvizhinji zvautarwa nechikwata cheIMF.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vaimbove nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti nemari apo vaimirira Highfield West mudare reparamende, VaSimon Hove, vanoti vanobvumirano nemuono weIMF.

Asi vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vakamboshanda kubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvinoita kuti mazano eIMF asashande munyika zvakaita sehuwori.

Panyaya yekuvanduzwa kwemashandisirwo emari, VaNcube vati bhanga guru renyika richazivisa matanho achatorwa mugwaro reMonetary Policy Statement munguva pfupi inotevera.

Sachigaro wesangano rinomirira masangano anoshanda akazvimirira munyika, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti dambudziko guru munyika inyaya yekusangadzikana kwezvematongerwo enyika.

VaMutasa vati IMF yave nemakore akawanda ichipanga Zimbabwe mazano asi pasina chinofamba.

Hurongwa hweZimbabwe hekuti ikwaniswe kukwereteswa mari hwakanganiswawo zvakanyanya nesarudzo dzegore rapera dzakanzi nemasangano emunyika nekunze akaita seSADC, African Union nemwe hadzina kufamba zvakanaka.

Izvi zvakapa kuti hurumende yeAmerica inova inzwi rakakosha panyaya iyi iti haichabatsire Zimbabwe kuita nhaurirano nevayakakwereta mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG