Accessibility links

Breaking News

Kusiya Vana kuZimbabwe Uchinoshava Kunze Kuri Kuwedzera Hunhubu Hwavo Here?


Kune vakawanda vanoti vechidiki vari kusiiiwa nevabereki vavo munyika, ivo vachienda kunotsvaga mafuro manyoro kune dzimwe nyika, vari kusara vachiita hunhubu hwakanyanya. Asi vamwe ndovanoti vamwe vana vane vabereki munyika vari kungoitawo mombe dzemashanga.

Mumwe wechidiki anogara kuGreendale, muHarare, Tichaona Mubvuyiwa, anopopura kuti vechidiki vakawanda vanosara vega, vabereki kana vaenda mhiri kwemakungwa vanoita zvehundururani.

Ati, "Takatarisa chimwe chikomana chemuno muGreendale chakasiirwa imba nevabereki vave kuenda kunoshava mhiri kwemakungwa- chakanga choshandisa musha uyu kuunza mabhururu kuti vange vachimwa nekufara, nekuita zvose zvavaifunga kuti zvingaitika pano pasi."

Aenderera mberi achiti, "Iyi inyaya yekuti panenge pasina mukuru anenge achipa tsiudzo kuvana vakadai. Saka vabereki kana vachinoshava, ngavasiire vamwe vanhu vakuru musenzekete wekutarisa vana ava."

Mudzimai wechidiki wemuHarare, Muzvare Kelly Manjeya, anoti vabereki vari kunze kwenyika ndivo vari kukonzeresa dambudziko iri."Nguva zhinji tinoona kuti mubereki anofungidzira kuti anokwanisa kuratidza rudo kumwana waasiya kumusha, kubudikidza nekumutumira mari zhinji, dzimwe nguva isina zera naye." Muzv are Manjeya audza Studio 7.

Aenderera mberi achiti, "Asi mubereki uyu anokanganwa kuti kupa mwana mari yakawanda kunowedzera mikana yake yekupindana nezvinodhaka, uye mimwe misikanzwa. Chero munhu anenge asiiwa achichengeta mwana uyu, anenge asina kana simba pamusoro pemwana sezvo nekuti dzimwe nguva anenge achitombopiwawo mari iyoyo."

Asi anozviramba izvi, mumwe wechidiki, Kudakwashe Munjoma, ari kushandira kunyika yeCanada.

Munjoma anoti, "Iye mubereki anenge achifungawo kuti vepedyo vaakasiya ati vamutarisirewo mwana, vari kutarisa, nyamba chero vakaona chakaipa, havatauriri mubereki uya nekuti dzimwe nguva vanenge vatoriwo negodo rekuti ari mhiri kwemakungwa."

Atizve, " Vanenge vachitoti zvamuwana, aiendepi achisiya mwana wavo, isu hatingavatarisiri."

Vamwe vana vari kusara munyika ava, vabereki vachienda kunoshava kumarimuka kunze kwenyika, vanonzi vanosara vachishandisa dzimba dzevabereki kuita mitambo yakafanana neyekuita bonde vakawanda pamwechete, kana kuti maSex parties; pamwechete nekutengesa nekutora zvinodhaka.

VaWilson Box, mukuru wesangano rinobatsira kusiya zvinodhaka reZimbabwe Civil Liberties and Drug Network, vanoti sunga-wirirano iripo pakati pekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki vane vabereki vari mhiri kwemakungwa. VaBox vati, "Kuno kuZimbabwe tine nzvimbo dzakawanda dziri kuvhurwa, dzemafaro."

Vaenderera mberi vachiti, " Naizvozvo tomboti mwana ane $200 yekudya, ukuwo haana munhu anomudzoreredza, anoita chipoko chaicho sezvo ane kakusununguka kakapfurikidza. Ndipo paunoona vachipinda mune zvinodhaka, vamwewo vozopinda mumijahu nemotokari vakakoriwa. Saka ichokwadi kuti vana vane vabereki vari kunze kwenyika vane misara yakati wandei."

Vanoongorora magariro evanhu, uye vari mukuru wesangano reFemale Students Union, Muzvare Evernice Munando, vanoti honzeri yedambudziko iri haifaniri kuonekwa seyevabereki chete, asi vana vacho vari kuita misikanzwa iyi.

Muzvare Munando vati, "Zvizhinji zvinoenderana nekuti vana ava vakambokudzwa sei."

Vatiwo, "Kana mwana akarerwa zvakanaka, kunyange mubereki akasavapo, mwana anogarika naye, achitoita zvehupenyu hwake zvakanaka. Tinogona kupa mucherechedzo wekuti kunyange nherera dzinokwanisa kutorarama dzisina vabereki. Saka ngavazvibatewo vana ivava vane vabereki vari mhiri kwemakungwa."

Imwe ongororo yakaitwa nebazi rezvehutano nemasangano eUnited Nations anoti reUNICEF neUNESCO yakaburitsawo pachena kuti nyaya yevabereki vari kuenda kunze vachisiya vana vavo mumaoko evanhu vasinganyatsogona kuvachengeta iri kupa kuti vamwe vana ava vagume vaita pamuviri, kushandisa zvinodhaka nezvimwe.

Rimwe sangano rinonzi Zvandiri rakaburitsawo ongororo inoratidza kuti nhumbu dziri kubatwa nevanasikana vari pasi pemakore gumi nemapfubamwe, zvinova zvikamu makumi mapfumbamwe nemashanu kubva muzana kana kuti 95% dzinenge dzisina kurongwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG