Accessibility links

Breaking News

Nigeria neIvory Coast Dzorwira Mukombe weAFCON


Mechi ya Fainali ya AFCON 2023
Mechi ya Fainali ya AFCON 2023

Nhasi kune makuwerere makuru kuIvory Coast uko nyika iyi iri kutamba neNigeria mumafainari eAfrica Cup of Nations kana kuti AFCON. Mutambo uyu uriko nenguva dza10 manheru ano.

Rwendo rwekuenda kumafainari

Murwendo rwekuenda kumafainari emutambo uyu, mugungano renyika gumi nenhahatu kana kuti Group of 16, Nigeria yakarova Cameroon 2-0. Mumaquarter finals maSuper Eagles akarova Angola 1-0 uye akazorova South Africa muma semi-finals 4-2 mumapenalties mushure mekuita mangange 1-1. Nekune rimwe divi, munyika gumi nenhanhatu, Ivory Coast yakarova Senegal 5-4 mumapenereti mushure mekuita mangange 1-1.

Mumaquarter finals, Ivory Coast yakarova Mali 1-0. Mumasemi-finals, Ivory Coast yakarva DRC 1-0. Nigeri ikakunda inenge yasimudza mukombe uyu kechina icienzana neGhana, iri kumasdhure kweEypt ne Cameroon. Asi Ivory Coast ikakunda inenge yasimudza mukombe uyu katatu kuenzana neNigeri yacho.

Vatambi

Mumutambo wanhasi, Nigeria iri kutarisirwa kupa mukana kuna Zaidu Sanusi ari kutsiva Bright Samuel akatamba mumutambo neSouth Africa uye Samuel Chukwueze ari kutiva Moses Simon. KuIvory Coast kaputeni wechikwata ichi Serge Aurier ari kutora nzvimbo yaWolfred Singo ukuwo Odilon Kossounou achitora nzvimbo yaWilly Boly.

Forum

XS
SM
MD
LG