Accessibility links

Breaking News

Kudomwa kwaVaTshabangu neVamwe Kupinda muParamende neSeneti Kwokonzera Mutauro muCCC


Sengezo Tshabangu and Nqobani Sithole
Sengezo Tshabangu and Nqobani Sithole

Kusawirirana kuri mubato reCitizens' Coalition for Change, CCC, kunonzi kuri kuenderera mberi zvichitevera kuburitswa mugwaro rehurumende reGovernment Gazette kwemazita aziviswa neZEC enhengo dze bato iri dzave kutora zvigaro muparamende nemuseneti pasi pehurongwa hwe “Proportional Representation” .

Vanhu ava vari kutsiva nhengo dzakadzingwa nevanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu.

Asi zvinonzi paita mutauro sezvo ivo VaTshabangu vari mumwe wevanhu vari pamazita aya vachimiririra dunhu reMatebeleland North saSeneta, izvo zvapa vamwe mubato iri kuti vati vakazvisarudza.

ZEC inoti vanopokana nemazita aya vane masvondo maviri ekunyorera mukuru wesarudzo kuZEC kana kuti Chief Elections Officer.

Va Tshabangu asi vanga vasati vadaira nharembozha yavo, uye vari kunzi akafanobata chigaro chemutauriri we CCC, VaNqobizitha Mlilo vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira tisati taenda pamhepo.

Mumwe anofambidzana naVaTshabangu mubato reCCC, VaAlbert Mhlanga, avo vaimbova mumiririri wePumula mudare reparamende, vaudza Studio 7 kuti VaTshabangu vave kuita madiro aJojina nebato.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaive vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC vakarerekera kune mutungamiri webato iri akasiya chigaro VaNelson Chamisa, VaPromise Mkwananzi, vanoti zvese zviri kuitika izvi mabasa eZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru muhofisi yezvekufambiswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira vakagara varamba kuti baro ravo rine chekuita nezviri kuitika mubato reCCC vachiti CCC ngaigadzirise musha wayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG