Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovimbisazve Kudzikamisa Dhora reNyika


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vavimbisa kudzika mitemo yekudzikamisa dhora remunyika iro riri kuramba richishaya simba zvopawo kuti mitengo yezvinhu irambe ichiita chamurambamhuru.

VaMnangagwa vataura mashoko aya nhasi pavange vachiparura musangano wekutanga gore rino wedare remakurukota. Vatiwo kugadzikana kwezvinhu kunoita kuti hupfumi hwenyika huudirire.

VaMnangagwa havana havo kunyatsojekesa kuti ndeipi matanho avachatora kudzikamisa dhora remunyika.

Asi vanoonoongora nyaya dzehupfumi nemabhizimisi uye vakambomirira Highfield East mudare reparamende VaSimon Hove, vati hapana zvavanonyanyotarisa kubva kuna VaMnangagwa nemakurukota avo.

Vaenderera mberi vachiti havawoni chichashanduka pamashandisirwe emari vachiti zvese zvange zviri kuitwa nehurumende hazvisi kubudirira.

Vakamboshanda mubazi rezvemari uye vachishanda nesangano reSimukai Residents Trusts, VaMasimba Manyanya vati veruzhinji vanoda kunzwa kuti hupfumi huchadzikamiswa sei kwete madimikira.

Vatiwo mari yemunyika iri kushaya simba zuva nezuva izvo zvoita kuti mari yekuAmerica ishandiswe zvakanyanya zviri kusiya veruzhinji vachitambura zvakanyaya.

Zvichakadaro mumiriri wenyika yeBritain muZimbabwe, VaPeter Vowles nhasi vasangana nemutauriri weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vakazeya nyaya dzekudyidzana kwenyika mbiri idzi pamwe nemashandiro emaparamende enyika mbiri idzi.

Vachitaura mushure memusangano uyu, VaMudenda vati vanokoshesa hukama kweZimbabwe neBritain.

VaVowles vati vazeya nyaya yekuvandudza hukama hwenyika mbiri idzi ndiyo yange ichiti ikurukurwe. Musangano uyu unoiitika mushure mekunge nyika dzekuEurope dzawedzera negore zvirango zvakatemerwa kambani yeZimbabwe Defense Industries kuti isatengeserwe zvombo zvinozogona kushandiswa mukumbunyikidza kodzero dzevanhu. Britain yakabuda hayo mugungano reEU kunyangwe paine kudyidzana kwakanyanya.

Asi VaMnangagwa vaudza makurukota avo kuti chirongwa chavo chekunasturudza hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika chiri kubudirara vakati semuenzaniso, Zimbabwe ichange yave sachigaro weSADC gore rimo.

Asi mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wurayai Zembe, vati hapana chekupemberea nekuti zvigaro zveSADC zvinotenderera nenyika dzose.

Nyika dzakawanda dzekumawirira dzakatemera vamwe vakuru vehurumede zvirango dzichvapomera mhosva yekutonga nedemo. Asi hurumende inoti zvirango zvakatemerwa nekuti yakatora minda kuvarimi vachena ichipa vatema.

Inoti ndizvo zvakanganisa hupfumi hwenyika. Asi vakatemera zvirango vanoti kutadza kutonga nehuwori ndizvo zvakakanganisa hupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG