Accessibility links

Breaking News

Vamwe veChidiki Voita Mabasa eRima Nekuda Kwekuoma kweHupenyu


Kune vechidiki vakawanda vave kupara mhosva dzakasiyana-siyana, dzinosanganisira kuba, kuita chipfambi, nezvimwe, senzira yekutsvaga kuzviraramisa panguva ino yavari kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Vechidiki ava vanoti kuvimbiswa mabasa nemikana yekuzvipundutsa kwavanoitwa nehurumende kuri kuperera muvimbiso chete asi pasina chinobatika chavari kuona.

Amai vechidiki vanogara muHarare, Muzvare Rumbidzai Mpofu, vanoti ichokwadi kuti vamwe vavo vave kupara mhosva senzira yekuwana nayo raramo.

Muzvare Mpofu vati, "Kana vari vasikana vari kuita basa rekutengesa miviri kuti vawane mari. Kuchitiwo vechidiki ava vari kutengesawo zvinodhaka kuti vakwanise kuisawo chekudya pamatafura.” Vaenderera mberi vachiti, “Vamwe ndivowo vari kukohwa pavasina kudyara - kuba chaiko. Zvese izvi zviri kukonzereswa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika."

Mumwewo wechidiki, VaVuso Mhlanga vanove mugari wemuHighfields muHarare, vanoti vazhinji vechidiki vavanoziva munharaunda mavo vari kuenda kumajeri nemhosva yekuba. "Vari kutoita kupaza dzimba vachiba chaiko nekuti zvinhu zvakavaomera, “ VaMhlanga vaudza Studio 7.

Vatizve, “Kunyange vamwe vacho vachizopiwa mitongo yakareruka kumatare edzimhosva vachinzi vanenge vari vapari vemhosva kekutanga, uchitaura navo unonzwa vachiti vaibira kutsvaga mari yekutenga zvinhu zvakaita sechikafu nehembe, uye kubhadhara rent. Panoda kuti hurumende ipindire nekukasika."

Masangano anoshanda nevechidiki, anosanganisira reCivil Liberties and Drug Network nere Centre for Sexual Health and HIV AIDS Research Zimbabwe, anoti vechidiki vari kupedzisira vowira munjodzi yezvinodhaka uye muchipfambi chinokonzera kutapurirwa zvirwere zvepabonde nekubatira pamiviri pasina kurongwa zvichikonzerwa nenhamo iri munyika.

VaTapiwanashe Chiriga, vanove mukomana wechidiki vachirwira kodzero dzevechidiki uye vari kusangano reHeal Zimbabwe, vanoti mitemo yenyika inoda kugadziriswa kuitira kuti iwanise vechidiki mikana yekuzvipundutsa. Vati, "Vechidiki vakawanda vari kurarama nehwaku-mukwaku nekuti zvinhu hazvina kumira mushe.” VaChiriga vatiwo, “Hurumende inofanira kugadzirisa mitemo ine chekuita nehupfumi hwenyika, kuitira kuti vane mabhizimusi, kunyanya achiri kukura, vakwanise kuwana zvinobatika kubva kumishando yavo. Panodawo kuti vana veZimbabwe vasaremedzwe nemimwe mitemo iri kuramba ichiturikwa pamafudzi evana avo."

Asi gurukota rinoona nezvenyaya dzevechidiki, VaTino Machakaire, vanoti hurumende iri kuedza nepese painogona kusimudzira vechidiki. VaMachakaire vati, "Vechidiki ngavaende kunotora mari dzekuvamba mabhizimusi avo kubhanga ravo reEmpowerBank.”

Vatizve, “Chero vasina zvibatiso, vanowanirwa nzira dzavangabatsirika nadzo. Chepiri, tiri kuvadzidzisawo mabasa emaoko kuitira kuti vakwanise kuvamba mishando inokwanisa kuvapa rararo. Chimwezve, tiri kubatsira vechidiki vedu nedzidziso yekutungamira mabhizimusi avo. Hurumende iri kuita zvese izvi nekuti inoziva kukosha kwevechidiki munyika yedu.’’

Asi wechidiki ari musangano reActivista, Muzvare Caroline Mutimbanyoka, vanoti kubatira pamwe ndiyo yega nzira ingakwanisa kupedza matambudziko ari kusangana nevechidiki aya. Muzvare Matimbanyoka vati, "Hurumende ichibvawo nedivi iro, zvakanakawo kuti masangano anoshanda akazvimirira, auyewo nerimwe divi, nezvirongwa zvekusimudzira vechidiki.”

Izvi zvinonzi nenyanzvi dzinowongorora nyaya dzevechidiki zvinokonzeresa kuti vechidiki vakawanda varase tariro muhutungamiri huripo kuti hungashandura mamiriro ezvinhu here munyika.

Kuwedzerwa kwemitero kwakaitwa negurukota rinoona nezvehupfumi hwenyika, Muzvinafundo Mthuli Ncube, kutanga munaNdira wegore rino kwawedzerawo kuyaura kuri kuita vechidiki.

Forum

XS
SM
MD
LG