Accessibility links

Breaking News

Vatungamiriri vemuSADC Vanoita Musangano weChimbichimbi weKuzeya Dambudziko reCholera


Zimbabwe yakaparura chirongwa chekupa nhomba yekudzivirira cholera.
Zimbabwe yakaparura chirongwa chekupa nhomba yekudzivirira cholera.

Vatungamiriri venyika dzemuSADC vaita musangano wechimbi chimbi wepadandemutande wekuzeya dambudziko rakonzerwa nechirwere che cholera icho chapararira kuchamhembe kweAfrica, vakabuda nezvisungo zvekurwisa korera zvinosanganisira kushanda pamwe chete mukudzivirira kupararia kwechirwere ichi muSADC.

Chimwe chisungo chabuda pamusangano wanhasi ndechekuti nyika dzemuSADC dzinofanira kushanda pamwe chete pazvirongwa zvekutenga nekubaya nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Vatungamiriri ava vaitawo chisungo chekuti paunganidzwe mari yakawanda iyo inofanira kuiswa muzvirongwa zvekuwanisa vanhu mvura, zvimbuzi nehutsanana nguva dzese.

Vachitaura pamusangano wanhasi uyu, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati Zimbabwe yatove nehurongwa hwekupedza cholera hunosanganisira kuwanisa vanhu mvura yakachena.

“Hurongwa uhwu hunosanganisira kuvandudza mabasa ekuwanisa vanhu mvura yakachena pamwe nekuona kuona kutio vane hutsanana nguva dzese.”

Vaenderera mberi vachiti Zimbabwe yakatoumba komiti yedare remakurukota iri kushanda nemasangano akasiyana siyana mukurwisa cholera uye vatiwo zvakakosha kuti nyika dzizvigadzirire mishonga yadzo.

“Tinofanira kugadzira mishonga nenhomba ye cholera kuti tive nehutano hwakanaka”

Asi vagari mumaguta akawanda munyika umo mapararira chirwere ichi havasi kufara vachiti hurumende haisi kupa makunzuru mari inokwana kuti awanise vanhu mvura yakachena nekutakura marara nguva dzese kuti vanhu vasabatwe ne cholera.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari muHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vaudza Studio 7 kuti kuti dambudziko re cholera rinopera kana hurumende ikaite zvinodiwa.

“Haisi kuita zvinhu zvinopedza dambudziko rekughadzirisa nyaya dzemvura nenyaya dzemasiweji.”

Vaimbove gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, Dr. Henry Madzorera, vaudza Studio 7 kuti hongu zvabuda mumusangano weSADC zvakanaka asi zvinoshanda chete kana nyika imwe neimwe ikaita zvinodiwa uye vati Zimbabwe iri kutadza kuita zvinodiwa kudzivirira kuparararira kwe cholera.

“SeZimbabwe inofanira kushanda, zvinoda kuitwa zvinozikanwa. Tinofanira kupa vanhu mvura yakachena. Maguta edu haasi kukwanisa kupa vanhu mvura yakachena, ndodambudziko rekutanga. Zvekuti pane komiti yamakurukota hazvina basa nekuti zvinoda kuitwa zvinozivikanwa.”

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano vachimirira Hwange Central muNational Assembly, VaDaniel Molokele, vaudza Studio 7 kuti zvisungo zvaitwa nevatungamiri veSADC zvakanaka chose uye separamende vachaita zvese zvavanokwanisa kuti hurumende itevedze zvisungo izvi.

“Isu senhengo dzeparamende basa redu nderekuti tione kuti vanotevedza zvavabvumirana here kuti vanhu vemuSADC vasabatwe ne cholera.”

Cholera chirwere chinokonzerwa netsvina uye bazi rezvehutano munyika, pamwe nemasangano akaita seWorld Health Organisation (WHO) vari kukurudzira vanhu kuti vageze maoko nekunwa mvura yakachena pamwe nekusaunganaungana, izvo zvinonzi zvinokonzera kupararira kwechirwere ichi zvakanyanya.

Veruzhinji vari kukurudzirwawo kuti vageze maoko, pamwe nemichero vasati vaidya, uyewo kuti vaitewo bandiko ravo mukuona kuti vadzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Musangano uyu wadomawo mutungamiriri weZambia, VaHakainde Hichilema sa "Cholera Champion,” kuti vatungamirire mabasa ekurwisa cholera muSADC.

Musangano uyu wapindwawo nemasangano akaita seAfrica Centre for Disease Control and Prevention (Africa CDC), World Health Organisation (WHO), United Nations Children’s Fund (UNICEF) neWorld Food Programme (WFP).

Vanhu zviuru zana nemakumi masere nezvisere (188 000) vakabatwa necholera, vanodarika zviuru zvitatu (3 000) vakaurawa nayo munyika sere dzemuSADC kubvira muna Ndira gore rapfuura.

Nyika idzi dzinosanganisira nhanhatu dzine chirwere ichi pari zvino dzinoti Democratic Republic of Congo, Malawi, Mozambique, Tanzania, Zambia neZimbabwe.

MuZimbabwe, kusvika nemusi weChina vanhu zviuru makumi maviri nezana nevashanu, (22 105) vainge vabatwa nechirwere ichi, vanhu makumi manomwe nemumwe (71) vafa, uye vamwe mazana mana negumi nevatanhatu (416) vanofungidzirwa kuti vakafawo nechirwere ichi kubvira pachakatanga gore rapfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG