Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vodzosera Mutero Pane Zvekudya Zvinotengwa Kunze kweNyika


Zimbabwe's Finance Minister Mthuli Ncube stands with a briefcase at the Parliament Building in Mt Hampden on the day he presents the 2024 National Budget, Harare
Zimbabwe's Finance Minister Mthuli Ncube stands with a briefcase at the Parliament Building in Mt Hampden on the day he presents the 2024 National Budget, Harare

Hurumende inoti yadzosera zvakare mutero pane zvekudya zviri kutengwa kunze kwenyika zvinosanganisira shuga, mafuta ekubikisa, mupunga, hupfu nezvimwe.

Asi vamwe vari kuyambira kuti izvi zvichakonzera matambudziko kune vanhu vakawanda sezvo sangano reunited nations reWFP rakatozivisa kuti vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe kana kuti 2,7 million vanoda kubatsirwa rwezvekudya gore rino.

Gurukota rinona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisa nezvedanho iri kuburikidza negwaro rehurumende reGovernment Gazette, vachishandisa mutemo wechimbi chimbi kana kuti statutory instrument 10 ya2024.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vachishanda nesangano reLabour, Economic, Development and Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti izvi zvichaita kuti mitenge yezvinhu ikwire. VaChitambara vati, “Zvinhu zviri kugadzirwa muno tiri kuona zviri kuramba zvichikwirawo zvekare mutengo nekuti simba remari yemuno riri kuramba richiderera zvekuti vange vachirarama nekutenga zvinhu zvange zvichibva kune dzimwe nyika vanenge vave kubhadhara mari yakati wandei saka zvavekuderedza mari yavanosara vainayo.”

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union, VaObert Masaraure vanotiwo makambani emuno ari kutadza kushanda zvakanaka nekuti ari kutsikirirwa nemitero yaari kubabhadhariswa nehurumende. Vati, “Mari yacho yekutenga vanhu havana."

Asi mukuru wesangano reBuy Zimbabwe, VaAlosi Burutsa, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende rakanaka chose. VaBuritsa vati, “Dai tange tisina kudzora Duty zvanga zvichizogumisira makambani emuno anyanya kutambudzika zvaizokzonzera kuti avhare nekumisa vanhu mabasa.”

Gore rapera Muzvinafundo Ncube vakati vainge vambobvisa mutero pane zvaitengwa kunze sezvo vemabhizimisi munyika vainge voramba vachikwidza mitengo.

Vemabhizimisi vaitiwo vainge voomerwa kugadzira zvimwe zvinhu izvi nekushaya mari yekunze uye kudzimwa dzimwa kwemagetsi.

Mutungamiriri werimwe sangano rinomirira mabhizimisi makuru munyika reConfederation of Zimbabwe Industries vaKurai Matsheza vanoti havo ikozvino hapachisina chikonzero chekuti Zimbabwe itenge zvinhu izvi kunze kwenyika nekuti zvave kuwanikwa. Vati, “Tinokwanisa kugadzira zvinhu zvakawanda zvakaita seshuga nekudaro hakuna chikonzero chekuitenga kunze kwenyika.”

Asi vanoongorora nyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera vanoti pane kuhwandirana pakati pemabhizimisi nehurumende izvo zvinoita kuti hurumende ipote ichitora matanho anoita sekuti anodzvinyirira mabhizimisi emuno.

VaKuchera vati, “Mukatarisa kudzorwa kwaitwa duty vanhu vanogadzira zvinhu vanenge vakachema chema kuti kwava nezvinhu zvakachipa zviri kuuya kubva kunze kwenyika. " Vatizve, "Asi muchaona kuti mitengio haidziki nekuda kwehundyire hwevemabhizimisi saka handisi kuona danho iri richinyanya kushandura zvinhu.”

VaMacheza naVaBurutsa vati danho ratorwa nehurumende richawanisa vanhu vakwanda mabasa sezvo makambani emuno achavandudza kushanda kwawo kubva pazvikamu makumi matanhatu kubva muzana pari zvino kuenda pazvikamu zviri pamusoro.

Asi vakawanda vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vanoti vanhu munyika vachatonyanya kuomerwa nehupenyu.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vanoti zvinhu zvatoomera mushandi. VaMoyo vati, "Vashandi vakawanda vai kutotambura nekuti mihoro yavo haisati yakwidzwa.”

Mitengo yezvinhu iri kutarisirwawo kukwira zvakanyanya nekukuda kwemimwe mitero yakadzikwa naVaNcube uyewo kushaya simba kwedhora remunyika.

Pamukoto panowanikwa dhora rekuAmerica nyore, madhora zviuru gumi nemanomwe emunyika ari kutenga dhora rekuAmerica rimwe chete kana kuti 17, 000 Zimbabwe dollars to 1 US dollar.

Asi kumabhanga dhora rekuAmerica rinotengwa nemadhora anodarika zviuru gumi kana kuti 1US$ to US$10,000 Zimbabwe dollars.

Forum

XS
SM
MD
LG