Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hupfumi Huri Mugwara Asi Dzimwe Nyanzvi Dzichiti Nyika Yananga Kumawere


Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati gore rino ra2024 vanoona nyika ichiwedzera kusimuka munyaya dzezvehupfumi. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfu dzichiti dzichatenda maruva dzadya chakata.

Vachitaura nhasi kumarinda eHeroes Acre muHarare uko vangavachiradzika gmab renyika Colonel Kenny Constantine Mabuya VaMnangagwa vati gore rino riri kuratidza kuti Zimbabwe icharamba ichibudirira.

Vatiwo vakadzoka kumusangano weItaly-Africa Summit nezuro vachiti chinangwa chavo ndechekusimbaradza hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika zvinozosimudzira hupfumi hwenyika. VaMnangagwa nevamwe muhurumende yavo vakatemerwa zvirango nehurumende yeAmerica, nyika dziri mugungano nedzimwe vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Amai Spiwe Fuzani vanga vabva kumusha weEpworth vauyawo kumarinda kuzochema VaMabuya vati hutungamiriri hwaVaMnangagwa huri kuunza budiriro.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda kubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vati muromo hauzarirwi nerwizi

VaMnangagwa vatiwo shuviro yehurumende yavo ndeyekubatanidza vana veZimbabwe kuburikidza nekugadzirisa nyaya yeGukurahundi.

Munguva yeGukurahundi kutanga muna 1983, mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vakaurayiwa kuMatabeleland neMidlands nemauto eFifth Brigade vachipomerwa mhosva yekuda kupandukira hurumende. Asi vanhu vemunzvimbo idzi vanoti vanhu vakawanda vanhuwo zvavo kwete zvaitaurwa nehurumende zvekuti yairwisa vainge vaipandukira. VaMnangagwa vari kushanda nemadzishe parizvino kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa nyaya yeGukurahundi mushure mekunge hurumende yapedza makore isingadi kugadzirisa zvichemo zvevanhu. Madzishe achapinda mumamisha achinzwa pfungwa dzevanhu. Panguva yegukurahundi VaMnangagwa ndivo vaive gurukota rezvevasori.

Murongi wemabasa muNational Transitional Justice Working Group VaFortune Kuhudzehwe vanoti havawirirane nekuti VaMnangagwa vangatungamirira kugadzirisa nyaya dzeGukurahundi.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo iri mushishi yekurwisa chirwere cheCholera chakatang kupararira munyika gore rapera. Vati vari kuchera zvibhorani uye kuita zvimwe zvinoita kuti vanhu vawane mvura yakachena uye kupihwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.

Kunyangwe hurumende iri kuti iri kuita zvakakwana, sangano reWorld Health Organization rinoti pachine zvakawanda zvinoda kuita kuti chirwere ichi chisauraye vanhu vakawanda munyika. WHO ndiyo iri kubatsira Zimbabwe nenhomba dzecholera.

Heroes Acres
Heroes Acres

Vatiwo Zimbabwe yarasikirwa zvakanyanya nekufa kwaVaMabuya avo vavati vakashanda zvinofadza kubva mukurwa hondo yerungunuko nekuve nhengo yeZimbabwe Defence Forces.

VaMabuya vakashaya varikuWestend Clinic muHarare musi wa23 Ndira 2024 mushure mekurwara kwenguva pfupi. Mushakabvu asiya vana vatanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG