Accessibility links

Breaking News

Mukombe weAFCON Ungauye Kuchamhembe kweAfrica neDRC, South Africa Kana Angola Here?


Zvikwata zvekuchamhembe kweAfrica zvinoti DRC, Angola neSouth Africa zvaita zvanga zvisingatarisirwe apo zvapinda mumakota fainari eAfcon paine tarisiro yekuti zvingangotora mukombe.

Angola irikusangana neNigeria nhasi mumutambo uyo vakawanda muZimbabwe varikutarisira uyezve vaine chivimbo kuti maAntelopes ekuAngola aya anokunda. DRC iri kutambawo neGuinea.

Hapana aitarisira kuti Angola, DRC ne South Africa dzingasvika mumakota fainari emakundano aya ayo akaunganidza zvikwata makumi maviri nezvina.

Kunyange hazvo Nigeria ichitarisirwa pamusoro-soro munhabvu kudarika Angola zvakanyanya, aimboridza pembe muPSL VaSam Hamandawana vanoti nhabvu yashanduka zvekuti hakusisina zvikwata zvinonzi zvidiki.

Zvimwe zvikwata zvekuchamhembe kweAfrica zvaive kumakundano aya asi zvakabuda nechimbi-chimbi iNamibia, Tanzania, Mozambique neZambia.

Aimbotambira Dynamos Sam Mutenheri anoti semaonero ake chimwe chezvikwata cheAngola kana South Africa chichatora mukombe uyu nenyaya yekubatana kwaa

Muongorori wemutambo wenhabvu VaSimbai Mawarire vanoti South Africa iri kutsika bhora zvinoshamisa.

Makundano eAfcon arikupera musi wa 11 Kukadzi apo veruzhinji varikutarisira kuti Angola kana South Africa dzinotora mukombe uyu.

Asi aimbotambira Black Aces Davis Mbidzo anoti Mali ndiyo irikutora mukombe pasina arikufundzira.

Mitambo yemakota fainari yeAfcon yakamira seizvi …

Chishanu

Nigeria vs Angola

DR Congo vs Guinea

Mugovera

Mali vs Ivory Coast

Cape Verde vs South Africa

Forum

XS
SM
MD
LG