Accessibility links

Breaking News

Hurumende Nhasi Iri Kuda Kuti VaSikhala naVaSithole Vatongerwe Kugara Mujeri kweMakore Matatu


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Vaimbova mumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala nemumiriri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole vakamiswa pamberi pedare nezuro magweta avo nevachuchusi vachikakavadzana kuti votongerwa kugara mujeri here kana kuti kwete.

Mushure mekunzwa zvichemo zvakabva kumagweta evaviri ava pamwe nezvakataurwa nemuchuchusi, mutongi wedare Amai Tafadzwa Miti vakati vachapa mutongo wavo nhasi masikati.

VaJeremiah Bamu mumwe wemagweta aVaSikhala vakaudza Studio 7 kuti, “Dare parapedza kunzwa zvatanga tichitura pamberi paro rati richazopa mutongo waro mangwana masikati na2:15.”

Muchuchusi VaEphraim Zinyandu vakarovedzera kudare kuti VaSikhala naVaSithole vapihwe mutongo wekugara mujere kwemakore matatu vachiti mhosva yekupesvedzera mhirizhonga yavakabatwa nayo iyi ihuru uye yakakonzerawo kuti vamwe vanhu varasikirwe nemidziyo yavo apo pakazoita mhirizhonga kuChitungwiza.

VaBamu vati pamutemo havakwanisi kutaura nevatori venhau zvichemo zvavaisa kudare.

Asi gweta uye vari mutauriri wemhuri yaVaSikhala, VaFreddy Masarirevu vakatimagweta evaviri ava akumbira kuti dare rivasunungure mujeri vachinziwo vakagara kwenguva yakareba vakavharirwa.

VaMasarirevu vati, “Magweta edu chaanga achikurudzira kuti kupiwe mutongo unoiswa parutivi VaSikhala vobuda nekuti nguva yavagara mukati yarebesa. Chokupedzisira magweta edu akurudzira dare kuti risatore huchapupu hwanamuchuchusi wekuti pane zvinhu zvakaparadzwa mushure mekunge vaviri ava vanzi vakapesvedzera mhirizhonga nekuti hapana humbowo hwakaiswa pamberi pedare kuti pane zvinhu zvakaparara.”

Dare rakanzwawo kuti VaSikhala naVaSithole vanhu vane mhuri uye pamusoro pevana vavo vanochengetewo vana vanoshaya nekuvabhadharira mari dzechikoro zvekuti vakaramba vari mujeri hupenyu hwevana ava hwunokanganisika.

Vachitsigirawo zvichemo zvakaiswa kudare VaOliver Marwa vanga vakamiririra VaSithole vakati vanonamatira kuti dare ringopa yambiro kwete kuvakanda mujeri.

Amai Precious Dinha vataura vakamirira shamwari dzaVaSikhala vatiwo vari kutarisira mutongo wakareruka. Amai Dinha vati, “Tiri kutarisira kuti mangwana vacharerutsa mutongo wavo kuna Job Sikhala sezvo aine nguva yakareba ari mutirongo asina mhosva yaakapara.”

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vati vane chivimbo chekuti mutongi achapa mutongo wakafanira mushure mekunzwa kubva kumuchuchusi pamwe nemagweta evaviri ava.

VaZiyambi vati, “Basa redu isu nderekutonga nyika kwete vanhu. Vatizve, “Rekutoinga vanhu nderemadzitare. Muchuchusi basa rake nderekuti atarise nyaya sezvairi nemaonero ake ekuti inokodzera mutongo wakadii. Mutongi wochitarira zvataurwa nemuchuchusi neuyo anga achireverera musungwa obva apa mutongo wake.”

VaSikhala naVaSithole vakabatwa nemhosva yekupesvedzera mhirizhonga svondo rapera. Asi magweta avo anoti zvisinei nemutongo uchapiwa mangwana , vachakwira kudare repamusoro reHigh Court vachipikisa mutongo wedare wekuti vane mhosva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG