Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeCCC Dzotsvaga Gwara Rekutevera Mushure meKubuda muBato kwaVaChamisa


VaNelson Chamisa vakashamisa vanhu nekusiya bato reCCC ravakaumba.
VaNelson Chamisa vakashamisa vanhu nekusiya bato reCCC ravakaumba.

Dzimwe nhengo dzeparamende pamwe nemakanzura ebato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) dzinoti dzichaita musangano wekuzeya kuti votora gwara ripi mushure mekunge vanga vari mutungamiriri webato, VaNelson Chasmisa, vasiya bato iri nezuro. Asi dzimwe nhengo dzebato iri dzazivisa kuti dzakatosiya bato iri pamwe naVaChamisa uye dzamirira kana dzichazodzingwa muparamende.

Vanokokera nhengo dzeCCC muNational Assembly, VaClifford Hlatywayo, vaudza Studio 7 kuti havana zvizhinji zvavangataura pari zvino asi vachagara pasi vozeya kuti votora danho ripi.

Mukokeri wenhengo dzeCCC muparamende, VaClifford Hlatywayo.
Mukokeri wenhengo dzeCCC muparamende, VaClifford Hlatywayo.

“Tichasangana tokururkura gwara richatorwa asi gwar guru ratopihwa ndogwara renyika, ndogwar rinoteedzerwa. Muzoviva VaChamisa ndivo vakakunda zvinemukurumbira kumativi mana ese enyika, vanhu vese vaiti Chamisa, Chamisa, Chamisa titungamire.”

VaHlatshwayo vaenderera mberi vachiti vachanzwawo pfungwa dzevakavavhotera kuti votora gwara ripi?

“Chakakosha ndechekuti tinzwe kuti vanhu vari kuti chii, vatinomirira kumaConstituency kwakasiyana siya nekuti hatina kumuka tapinda muChipinge South, takatoiswa nevanhu. Vanhu ndovatinopisa pamberi asi vanhu vese ndovanofamb vachiti Chamisa, Chamisa.”

Asi dzimwe nhengo dzeparamende dzinosanganisira Muzvare Fadzayi Mahere, VaAgency Gumbo naVaDaniel Molekele, dzazivisa kuti hadzichineyi neCCC sezvo dzakabuda mubato iri nezuro naVaChamisa. VaMolekele, avo vanomirira Hwange Central muNational Assembly, vaudza Studio 7 kuti havachineyi nezviri kuitika muCCC.

“Bati tatosiya vanogona kutidzinga kana vachida.Vakadzinga vana Chibaya nanaSiziva vachiti vavasisiri nhengo dzeCCC, saka vanofanira kudzinga isu nekuti hatisisiri nhengo dzeCCC.”

Gweta, VaFred Masarirevhu, vati nhengo dzeCCC dziri muparamende nemumakanzuru dziri parumana nzombe nekuti veruzhinji vari kutarisira kuti dzichatevera VaChamisa asi vakati danho iri rinogona kuzodziomera mberi nekuti dzinenge dzasiya basa dzisina kudzingwa zvinozoita kuti dzisazokwanisi kukwikwidza musarudzo zvekare.

Gweta, VaFred Musarirevhu.
Gweta, VaFred Musarirevhu.

“Ndinoona sekunge vakasiy vari vegazvinokwanisa kunetsa pakuti vazodzoka kuzokwikwidza asi vakaita zvekudzingwa vanokwaniza kudzoka nekuti izvezvi tarisiro iri kuvanhu ndeyekuti vange vachiita basa. Havakwanise kusiya basa vasati vaudzwa nevanhu vakavapinza muhofisi kuti chiregai.”

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paAfrica University, Doctor Wellington Gadzikwa, vanoti izvi hazvisi kuzotadzisa nhengo dzinoda VaChamisa kuvatevera.

“Vamwe vacho vatozivsa pamadandemutande akaita seX kuti vave kutotevera mukuru wavo saka vanenge vachitsigira VaChamisa vachaonekwa nekubuda muCCC semabudire aita mukuru wavo.”

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Insitute, Doctor Bekezela Gumbo, vanotsanangura kuti vese vanoda kupinda mubato richaumbwa naVaChamisa vane mukana wekuita izvi vasina dambudziko.

“Ini ndinofunga kuti vese vanoda VaChamisa vanofanira kuramba vari muparamende vachishira CCC yaVaTshabangu kusvikira vadzingwa. Kana vakadzingwa vanokwanisa kuzodzoka vari pasi pebato rininenge raumbwa.”

Nhengo dzeCCC dziri kutarisirwa kusangana neSvondo kuti dzione kuti dzingaendesa mberi basa sei zvichitevera kusiya bato kwaVaChamisa.

Amai Lynette Karenye-Kore.
Amai Lynette Karenye-Kore.

Zvichakadai vanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mumukruu weCCC, VaSengezo Tshabangu, vatenda kuti hutungamiriri hwebato ravo hwadoma mumiriri weChikanga muparamende, Amai Lynette Karenyi -Kore, kuti vatungamire nhengo dzebato iri muparamende, kana kuti Leader of the Opposition, chinove chigaro chaive naVaChibaya avo vakadzingwa mubato.

Amai Karenyi-Kore vaudzawo Studio 7 kuti, “Hapana chandiri kuziva ndatongozvionawo pamadandemutande pari kunzi Karenyi ndiye atora chinzvimbo chaPresident Chamisa. Ndingatsiva VaChamisa ndiri mumhepo here? Ndingavatsiva saani?”

Zvichakadai, vanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurayi Togarepi, vanoti kubuda muparamende kwenhengo dzeCCC dzichitevera VaChamisa hakukanganisi basa reparamende nekuti Zanu PF yagara ine nhengo dzakawanda kudarika CCC.

“Isu seZanu PF hatina dambudziko, tinoziva kuti tine huwandu muparamende, ivo vashoma. Kutoshaikwa kwavo kunogona kusatowonekwa nekuti vagara vari vashoma.”

VaChamisa nemusi weChina vakasiya bato ravakavamba nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kupindira kweZanu PF mubato iri richishandisa vanhu vakaita saVaTshabangu.

Bato reCCC rave bato retatu rasiiwa naVaChamisa mushure mekusiya bato reMDC-T ravakatungamira pakashaya vaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, mushure mekunetsana naMuzvare Thokozani Khupe. Vakazosiya zvakare bato reMDC-A mushure mekunetsana naVaDouglas Mwonzora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG