Accessibility links

Breaking News

VaSikhala naVaSithole Voronga Kupikisa Mutongo Wekuti Vakapesvedzera Mhirizhonga


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Nhengo mbiri dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala vaimbomirira Zengeza West naVaGodfrey Sithole vanomirira Chitungwiza North mudare reparamende vabatwa nemhosva yekupesvedzera nhengo dzebato ravo kuti dziite mhirizhonga senzira yekutsiva rufu rwaMuzvare Moreblessing Ali avo vakapondwa nemutsigiri weZanu-PF.

Mutongi wedare Amai Tafadzwa Miti vati mushure mekuongorora zvakaunzwa kudare vawana VaSikhala naVaSithole vaine mhosva yekupesvedzera mhirizhonga. Asi vati vachapa charango musi wa 29 Ndira.

Mumwe wemagweta ari kumiririra VaSikhala VaJeremiah Bamu vabvuma kuti vaviri ava vabatwa nemhosva asi vakati vachakwikwidza nyaya iyi kudare repamusoro reHigh Court.

VaBamu vati vachazenge vachidzoka kudare nemusi weMuvhuro svondo rinouya.

Mangwanani anhasi, VaSikhala vanga vambomira pamberi pedare neimwe mhosva yavari kupomerwa yekunzi vakataura manyepo vachiti mapurisa ainge auraya mwana aive akaberekwa kumusana naamai vake vachiedza kuti vanhu vatevedzere mitemo yeCovid -19 muna 2020.

Anzwa nyaya iyi, mutongi, Feresi Chakanyuku vati vachapa mutongo wavo musi wa7 Kukadzi .

Rimwe remagweta aVaSikhala VaHarrison Nkomo vanotsanangura zvakonesa kupiwa mutongo nhasi

Vachitaura mushure memutongo wapiwa nhasi, mutevedzeri wemutauriri webato reCCC VaGift Siziba vati mutemo munyika unotarisa kuti wabuda mumba mani.

Mumwe mutsigiri weCCC anga ari mudare abva kuChitungwiza ada kuzivikanwa nekuti mama Fanti ati arwadziwa zvakanyanya nemutongo wapiwa nhasi.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira vati zvaitika kuna VaSikhala naVaSithole izvi chinofanirwa kuva chidzidzo kuvana veZimbabwe kuti munhu akatyora mutemo anotorerwa matanho.

Kumatare mapurisa anga akapakatira zvombo nhasi aswera vachiita hwakiti nagonzo nevamwe vatsigiri vaVaSikhala avo vauya kudare nehuwandu hwavo zvaita kuti varambidzwe kupinda mudare sezvo dare ranga razara.

VaNkomo vatiwo vatsutsumwa zvakanyanya kudare sezvo vanongodzerwa pfuti neumwe wemapurisa aya apo vanga vachiedza kupinda mudare masikati.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG