Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoti Yakundikana Kugadzirisa Yoga Dambudziko reMarara Zvopa Kuti Cholera Inyanye Kupararia


Apo chirwere chemanyoka checholera chatekeshera munyika, vanotungamira guta reHarare vanoti vakundikana kugadzirisa nyaya yekupedza hutsvina, kunyanya pamw’ongo weguta iri.

Ukuwo hurumende inoti ichabatsira makanzuru akafanana neyeHarare, kuwanisa vagari zvikwanisiro zvakafanana nemvura uye kuchenesa nzvimbo dzavanogara, zvavanoti zvatadzwa nemakanzuru aya.

Vachitaura kuvatori venhau nhasi muHarare, pamusangano wakokerwa negurukota rezvekubuditswa kwemashoko, wekutaura pamusoro pechirwere checholera, mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr. Prosper Chonzi vati kanzuru yavo yatadza kupedza mvonga-mvonga iri pamoyo wemuguta iri, ichikonzerwa nevanotengesa mumigwagwa, zvavanoti zvapa kuti kurwisa cholera kunetse.

Vachitaura pamusangano mumwewo, gurukota rinoona nezvehutano, Dr Douglas Mombeshora, vati hurumende ichatora matanho akati kuti kubatsira makanzuru akaita seHarare.

VaMombeshora vaudzawo vatori venhau kuti kubva pakatanga kubatwa munhu chirwere checholera gore radarika munaKukadzi, vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nechimwe, 20,121 vabatwa nechirwere ichi. Vatiwo pavanhu ava, vanosvika mazana makumi mana nevanomwe kana kuti 407, vakashaya.

Asi vazvirovawo dundundu vachiti kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika, Zimbabwe ine vanhu vashoma vaurawa nekorera, nekuda kwekupindira kwehurumende.

Mushure mekubvunzwa kana zvibhorani, kunyanya zvemuHarare, zviri kuwanisa veruzhinji mvura yakachena, gurukota rinoona nezveminda, kurima nemvura, VaAnxious Masuka, vanga varipowo pamusangano uyu, vaita pamusasa, pamunondo, vakazvambarara pamubvunzo.

Nyanzvi inowongorora zvehutano, uye vari mupepeti webepa reThe Health Times, VaMichael Gwarisa, vanoti pane kupinzwa kwezvematongerwo enyika nekukandirana nyoka mhenyu kuri kuitika panyaya yecholera.

VaMombeshora vazivisawo kuti veruzhinji vachatanga kupihwa nhomba yekorera musi wa29 Ndira. Asi mukuru wesangano rinoona nezvehutano hwevanhu munharaunda, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vaudzawo Studio 7 kuti izvi zvega hazvipedze dambudziko iri.

Hurumende yati yaumba homwe yemari inosvika madhora mamiriyoni gumi nematatu ekuAmerica kubatsira makanzuru kuti awanise vagari mvura yakachena.

Nzvimbo dzakaita seHarare, Chiredzi, Marange, ndidzo dzedzimwe nzvimbo dzine vanhu vakawanda vari kuita manyoka anofungidzirwa kuti ikorera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG