Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuenda Kudare Mangwana Kunotsigira VaSikhala


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Vesangano reJob Sikhala Solidarity Movement nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu vari kukurudzira vanhu kuti vauye kudare nehuwandu hwavo mangwana apo dare riri kutarisirwa kutura mitongo panyaya mbiri dziri kupomerwa vaimbova mumiriri weZengeza West mudare reparamende vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala.

VaSikhala vave negore nemwedzi misere vari mujeri kuChikurubi. Rimwe gweta raVaSikhala VaHarrison Nkomo vati mangwanani nenguva dza 11, pachaturwa mutongo panyaya yekuti VaSikhala vakatendererdza mashoko enhema.

Masikati nenguva dza 2 masikati kopihwa mutongo panyaya iri kuvagarisa mujeri yekuti vaipesvedzera vanhu kuti vaite mhirizhonga mushure mekupondwa kweimwe nhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing Ali kuNyatsime, Chitungwiza

Pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, mutungamiriri weJob Sikhala Solidarity Youth Movement VaDarlington Chigwena vati mangwana izuva rakavakoshera zvikuru.

VaChigwena vati, “Isu tinotenda kuti VaJob Sikhala vakasungwa vachimiririra mhuri yaMoreblessing Ali, mhuri yanga yarasikirwa namai vemusha." Vatizve, "Iyoyi ndiyo mhosva yavarikupomhedzerwa asi yakazoiswa kunezvematongerwo enyika kuti vawane chekuvasunga nacho. Tinoona kuti hakuna munhu akakodzera kuti ave muhusungwa iye asati abatwa nemhosva. VaSikhala vane kodzero yekuti vatongwe vachibva kumba, vachitoriritira mhuri yavo uye vachitongwa vaine rusununguko rwavo kwete kuti vanogara mujeri kwenguva yakareba. Mangwana vakawanikwa vasina mhosva zvorevei?”

Mukuru weZimbabwe Human Rights Association VaDzikamai Bere vatiwo, “VaSikhala musungwa vanosungirwa mafungiro avo. Inhapwa nekuti vakasarudza kutevedzera kodzero dzavo." Vatiwo, "Havana mhosva kusvika vabatwa nedare kuti vane mhosva ndokodzero ine munhu wese pano pasi. Isu tinotoona sekuti vatopikira mutongo usati watovepo.”

Izvi zvatsigirwa naVaHerbert Chamuka vePeople Unity Party. VaChamuka vati, “Matare edu ari kushanda pasi peZANU PF. Bato iri ndorinoudza matare kuti uyu ane mhosva kana kwete."

Asi mukuru mubato reZanu PF, VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti mabatirwo ari kuitwa VaSikhala ari pamutemo. VaMarapira vati, “Tinoremekedza kuti mutemo nematare enyika haana hombarume kana hurudza pamberi pawo."

Vatiwo, " Anongotonga sekutonga kunofanirwa kuita mutemo. Kana iri nhau yaVaSikhala isu tinotendera kuti matare achafambisa nyaya iyi kusvika pakupera kwayo senzira yakafanira sezvavanga vagara vachingoita. Zvekuti tione sekuti matare ane chimwe chaanenge achiita kunze kwekufambisa mutemo sezvinotaugwa sevamwe ipo pasina humbowo ndinoona sekunyepa uye kuda kungohwanda seri kwechigumwe.”

Mashoko aya anotsinhirawo zvakataurwa negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuStudio 7 kuti hurumende haipindire pane zvinoitwa nematare ayo vanoti akazvimirira.

VaJob Sikhala avo vaimiririra Zengeza West mudare paramende vanoti vanogara vakasungwa ngetani dzemumakumbo vari mujeri reChikurubi umo vanogariswa vega.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG