Accessibility links

Breaking News

Muzinda weAmerica muZimbabwe Wobatana neVamwe Kusimudzira Mabhizimisi eVechidiki


US EMBASSY STAFF
US EMBASSY STAFF

Kune vanamuzvinabhizimusi vechidiki vanoti kunyange mamiriro ezvinhu munyika asina kumira zvakanaka, vachatsungirira kuti mishando yavo isaparare, sezvo vari kuwaniswa, nemuzinda weAmerica muZimbabwe, ruzivo, mari nemikana yekuti mibato yavo yemaoko ienderere mberi.

Vachitaura neStudio 7 nhasi muHarare pamusangano warongwa nesangano revechidiki reHozi Innovator, wekudzidzisa vechidiki vane mabhizimusi achiri kukura, uye vanoda kuvamba mabhizimusi, mumwe wevatungamiri vesangano iri, VaLeslie Makwembere vataura nezvechinangwa chavo. Vati, “Isu donzvo redu nderekudzidzisa vechidiki kuti vangafambisa sei mabhizimusi avo uye tinotanga kudzidzisa vanhu vane makore makumi nemasere kusvika pane vane makumi matatu nemashanu.”

HOZI Innovator Training Programme
HOZI Innovator Training Programme

Vaenderera mberi vachiti, “Kudzidzisa kwatiri kuita uku hakusi kwemuHarare chete asi tichaendawo kuBulawayo, kwaMutare, nekuGweru. Tichapedzisira kudzidzisa padandemutande, apo patichakoka munhu wese anoda uye anobatika, kuti ange achiuya, tibatsirane. Uyu mukana wekuti vechidiki vauye vazowana mazano, uye vaumbe hukama nevamwe vari mumabhizimusi.”

Mumwe wevechidiki anga ari pachirongwa ichi, Vimbainashe Mutsvairo, anoti dzidzo yaawana ichamubatsira mubhizimusi rake. VaMutsvairo vati, “Ini bhizimusi rangu nderekuruka misoro, saka ndinovimba kuti chirongwa chekudzidziswa ichi cheBizInnovator chichandibatsira kuti ndivandudze bhizimusi rangu rekugadzira mishonga yebvudzi.”

Vatizve, “ Zvichandibatsirawo kuti ndikwanise kunyora tsamba dzerubatsiro kuti bhizimusi rangu rikure. Uyezve, kune vanoshandisa zvigadzirwa zvangu, ndichawana hunyanzvi hwekuvandudza hukama navo.”

Mumwewo wechidiki anoti achanosimbaradza bhizimusi rake kana awana zvidzidzo izvi, izvo zvichaitwa kusvika neChishanu chevhiki rino, ndiLenon Chihowa wekuMarondera.

VaChihowa vati, “Ini ndinoita basa rekuDrawer midhuri yedzimba kana zvimwewo zvivakwa. Kuuya kwangu pano kuti ndizodzidziswa kushanda nekushandidzana nevamwe.” Vatiezve, “ Ndioshuvira kuti zvidzidzo izvi zvichandibatsira kukudza bhizimusi rangu, ndigovandudzawo nharaunda yandinobva. Musi weChiShanu, ndinoshuvirawo kuzotora mubairo wemari, uchapiwa kumunhu achanyora chikumbiro cherubatsiro, chinomwisa mvura.”

Mumwe wechidiki anogara kuSouthlea Park muHarare, Chantelle Chinhema anoti nekuda kwedzidziso yaawana nhasi, achakwanisa kuvamba bhizimusi richabudirira.

Vati, “Ini ndine pfungwa yekutanga bhizimusi rekugadzira mbatya dzevana, dzakanaka uye dzakachipa.” Vatiwo, “ Ndagara ndinofarira vana, uyewo bhizimusi iri harina mwaka, naizvozvo ndinovimba kuti ndinogona kuwana chouviri pariri. Kunyange hazvo zvichinzi zvakaoma kuita bhizimusi muZimbabwe, ndinotenda kuti kubudikidza nedzidziso yandichawana pachirongwa chino, ndichabudirira zvakanakisa.”

Chirongwa chanhasi ichi, changa chakatsigirwa nehurumende yeAmerica, kubudirikidza nemuzinda wenyika iyi muno, kuchitiwo sangano rekuEswatini reEduFri nechikoro chedzidzo yepamusoro-soro chekuAmerica, cheIowa, pakati pemamwe masangano.

Mumwe wevanoshanda muchikamu chezvekubuditswa kwemashoko kumuzinda weAmerica muZimbabwe, Muzvare Rebecca Archer-Knepper, vati nyika yavo yakazvipira kuramba ichitsigira kuwaniswa mikana kune vechidiki vemuZimbabwe.

Muzvare Archer-Knepper vati, “Isu semuzinda tinofara kuti vechidiki vane mifungo yakanaka yekuti vasimudzire nyika yavo.” Vatiwo, “Ndizvo zvinoita kuti tivatsigire. Zvakanakawo kuti havasi vekumadhorobha chete vari kuwana rubatsiro, asi nevari kumamisha. Zvakakosha kuti zvirongwa zvakaita seizvi zvienderere mberi kuitira kuti tirambe tichisimudzira vechidiki vemuZimbabwe.”

HOZI Innovator Training Programme
HOZI Innovator Training Programme

Kudzidziswa nezvemabhizimusi uku kwaitwa pasi pedingindira rekuwanisa ruzivo pamusoro pekufambiswa kwemabhizimusi kune vechidiki vanoshaya mikana vekumamisha nevekumadhorobha, uye kuchaitwa zvekare munzvimbo dzinoti Bulawayo, Mutare Gweru, nepamadandemutande.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG