Accessibility links

Breaking News

Dare reHigh Court Rinorambidza Nhengo dzeCCC Dzakadzingwa muParamende neMakanzuru kuKwikwidza muSarudzo dzeBy-Election


Imwe nhengo yeCCC yarambidzwa kukwikwidza, VaAmos Chibaya.
Imwe nhengo yeCCC yarambidzwa kukwikwidza, VaAmos Chibaya.

Dare repamusoro rarambidza vaive vamiriri muparamende vari nhengo dzebato rinopikisa, reCitizens Coalition for Change, vanosanganisira VaAmos Chibaya, VaGift Ostalos Siziva nemumwe wavo, kusanganisirawo vaive makunzura makumi maviri kukwikwidza musarudzo dze by-election dziriko mwedzi unouya vachimirira bato iri sezvo vakadzingwa mubato iri.

Mutongo uyu wauya zvichitevera chikumbiro chakasvitswa kudare iri nevanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu nemumwe muvhoti anove nhengo yeZanu PF, VaChristopher Nwiwa.

Mutongi wedare reHigh Court Justice Pisirayi Kwenda vati nekuda kwaizvozvo mazita aVaChibaya nevamwe vavo haafaniri kunge ari pagwaro revavhoti kana kuti ballot paper.

VaOstallos Siziba.
VaOstallos Siziba.

Rimwe remagweta eCCC vachimirira nhengo dziri pasi paVaNelson Chamisa, VaObey Shava, vaudza Studio 7 kuti hongu ndizvo zvabuda mudare, uye vati vamirira kunzwa kubva kubato iri kuti votora matanho api?

“Chekutanga dare rati iro nhengo dzeparamende nemakanzura vakatandaniswa muparamende vakatandiswa nebato rinonzi CCC uye hapana chakashanduka pakudzingwa kwavo. Dare razotaura zvakare kuti havafaniri kunge vari pama ballot paper esarudzo dzemusi wa3 Kukadzi," VaShava vatsanangura.

Imwe nhengo yeCCC uye vakadzingwawo mubato iri naVaTshabangu, VaJameson Timba, vaudza Studio 7 kuti havana kufara nemutongo wapihwa nhasi wekurambidza nhengo dzavo kukwikwidza musarudzo vakamirira bato ravo.

“Isu seCCC hatitenderani nemutongo waitwa nedare panyaya iyi. Tichaona nguva yekuti tinatso verenga zvautarwa nemutongi tochiona matanho atingatore kuti tiite kuti vana veZimbabwe vawane kodzero dzavo dzekuvhotera vanhu vavanoda."

Asi gweta raVaTshabangu, VaNqobani Sithole, vati vafara kuti chikumbiro chavo chatambirwa nedare.

“Chimwe chashamisa ndecheku

VaSengezo Tshabangu negweta ravo VaNqobani Sithole.
VaSengezo Tshabangu negweta ravo VaNqobani Sithole.

ti avo vari kuti kune imwe CCC vauya nebumbiro ravasingazive kuti rakanyorwa rini. Ukabvunza munhu akauya nebumbiro racho kuti rakatanga rini haazive saka zvinotooneka kuti manyepo. Asi chakakosha ndechekuti avo vakadzingwa havasi kuzomirira CCC musarudzo.”

Asi gweta rinorwira kodzera dzevanhu, VaKudzayi Kadzere, vaudza Studio 7 kuti mutongo wanhasi hauna kunaka nekuti unonyima vavhoti mukana wekusarudza vanhu vavanoda.

“Saka tiri kuona kuti zvinhu zvinosuwisa kuti matare edu ari kuramba achienderera mberi achipindira munyaya dzekuti anokwanisa kumira neanokwanisa kuvhoiterwa ndiani. Zvinhu zvatisingafariri.”

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti mutongo wanhasi hauna kushatira kuCCC chete, asi kuti kuvanhu vese vakavhota musarudzo.

“Chendingatuare ndechekuti bato reCCC kumatare kunenge kwanetsaasi chimwe chatinofanira kuti titaure ndechekuti kana vave kuda kugadzirisa zvinhu neznira yezvematongerwo enyika kana kuti political solution kutoendawo kumatare inogona kunge iri nzira inogona kuve nzira yekuadzirisa zvinhu.”

Vachipa mutongo wavo nhasi, Justice Kwenda vati nyaya iyi yaratidza kuti pane makakatanwa ari muCCC anofanira kugadziriswa mubato, kwete kumatare.

Asi vamwe vanoti makatanwa aya ari kukonzerwa nebato riri kutonga reZanu PF, izvo zvarambwa nemushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaFarai Marapira.

VaFarai Marapira veZanu PF
VaFarai Marapira veZanu PF

“Isu sebato reZanu PF hatiudzire bato rinopikisa zvekuita.”

Aka ndekechipiri dare repamusoro richatambira chikumbiro chaVaTshabangu chekurambidza vese vavakadzinga kupinda musarudzo vari pasi pebato reCCC musarudzo dze By-elections.

Dare iri rakarambidza nhengo pfumbwamwe dzeCCC dzakadzingwa naVaTshabangu kukwikwidza musarudzo dzakaitwa muna Zvita gore rapfuura.

Kusvika pari zvino VaTshabangu vadzinga nhengo dzeparamende dzinodarika makumi matatu nemakanzura anodarika makumi matanhatu munyika yose.

Asi VaChamisa nevamwe vavo vanoti zviri kuitwa izvi zviri kunze kwemutemo sezvo VaTshabangu vasiri nhengo yebato ravo.

VaChamisa nebato ravo vakatoendesa VaTshabangu kumatare uye pane mutongo wematare unorambidza VaTshabangu kuramba vachinga nhengo dze CCC kudzamara nyayayekuti ndiyani ane simba rekudzinga nhengo dzeCCC yapedzwa nematare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG