Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, VaChinogureyi, Vosimudzira Basa reKurima Vari muSouth Africa


Muriwo we rugare.
Muriwo we rugare.

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaGoodwill Chinogureyi vanobva kwaChipfunde mudunhu reUzumba kumashonaland East, asi vari pari zvino kugara muJohannesburg kuSouth Africa uko vari kuita zvekurima.

VaChinogureyi, avo vanove zvakare mufundisi wekereke yeZion Apostolic Church, vari kurima zvirimwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira miriwo, matomati, hanyanisi ne paprika zvavari kutengesera vezvitoro pamwe nevanhuwo zvavo munharaunda yavo.

Vanoti vakatanga chirongwa ichi vakabatana nemuzukuru wavo, VaShephard Dende, vavanobva navo kumusha kuUzumba, avo vavachiri kushanda navo pari nhasi.

Vanoti sevanhu vakagara vachiziva zvekurima kubva vachiri kumusha, zvakaita nyore kwavari kuti vatsvage munda vakazowana wavari kushandisa uyu wavari kubhadhara mari kune chimwe chizvarwa cheSouth Africa chechichena.

VaGoodwill Chinogureyi
VaGoodwill Chinogureyi

Asi VaChinogureyi vanoti kunyange hazvo zvinhu zviri kuvafambira, vari kusangana nedambudziko rekumboshungurudzwa nezvizvarwa zveSouth Africa zviri kuti vari kutora mabasa pamwe nevekutengesera.

Asi vanoti semwana weZimbabwe, vakatsvaga nzira dzekuti varambe vachiwana vanhu vanovatengera zvirimwa zvavo vachiti vamwe vanovashanyira papurazi pavo vachitenga vamwewo vachivaigira kudzimba dzavo.

Vanoti vanobatsirwa nevana veZimbabwe vavanobhadhara munguva dzavanenge vawandirwa nebasa.

Asi vari kuyambirawo vamwe vana veZimbabwe vari munyika iyi kuti vasiyane netsika yekuita zvehumbavha pamwe nechipfambi, vachiti izvi zviri kusvibisa vana veZimbabwe vose nevamwe vakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG