Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovharwa Nekuda kweChirwere cheCholera


World Health Organization iri kuyambira kuti hurumende ikasabata nyaya yechirwere checholera sekunge chisiri njodzi yakawanda, chichapararira zvinotyisa zvichapa kuti bazi rezvehutano rigwadame. Izvi zviri kuuyawo apo hurumende yati zvikoro zviviri zvinoti Nandi Primary neSecondary zcivharwe munzvimbo yeChipanza kuChiredzi.

Mukuru weWHO muZimbabwe Muzvinafundo Jean-Marie Dangou vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti chirwere ichi chave kusvika padanho rakaipisisa. Vanhu mazana mana vanonzi vari muzvipatara uye vamwe vanodarika mazana matatu vafa kubva zvakatanga kupararira chirwere ichi muna Kukadzi kuChegutu gore rapera.

Sachigaro wekanzuru yeChiredzi Rural District VaAspect Mashingaidze vatenda kuti vamanikidzwa kumbovhara zvikoro zvivir izvi sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Vati, “Zvikoro izvi zviri munzvimbo imwe chete yeMapanza umo muri kupararira chirwere ichi zvakanyanya uye matofa vanhu vatatu necholera.

VaMashingaidze vatizve, “Tiri kushanda ne Ministry of health iyo yakaisa matende ekurapira vanhu pose pane chirwere ichi uye huruemende iri kuchera zvibhorani kuwedzera mvura munzvimbo idzi,”

Nezuro kuChiredzi vanhu makumi maviri nevana vakabatwa nechirwere ichi hunowa huwandu hwakawandisa kudarika dzimwe nzvimbo.

Mumwe mubereki anogara kuChilonga, VaHappious Chikutu vati, “Tave kutotyira hupenyu hwevana vedu muzvikoro umu, chirwere chatekeshera muChiredzi muno,”

Mugari wekuChiredzi VaCharles Baloyi vanoti, “Dambudziko remvura yakachena riri kuita kuti timwe mvura yemumakanari ekudirirdza nzimbe ndosaka denda ririko,”

Munyori mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Aspect Maunganidze vati titumire mibvunzo paWatsapp asi vanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

Mutauriri webazi rezvedzidzo munyika, VaTaungano Ndoro vanoti bazi ravo rine zvirongwa zvakawanda zvekuchengetedza hutano muzvikoro kuti denda risapararire muvana.

“Tiri kukurudzira zvikoro kuva nemvura kubva pagedhi kusvika mukati uye tiri kushanda nebazi rezvehutano kudzidzisa vana nevashandi pazvikoro nzira dzekudzivirira denda iri,” VaNdoro vadaro.

Asi mukuru werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe Doctor Takavafira Zhou vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro.

Nezuro munyika mese vanhu vashanu vanofungirwa kuti vakafa nechirwere cheCholera uye vamwe vanhu mazana maviri vegumi nemumwe vakabatwa nacho.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachakatanga gore rapfuura vanosvika zviuru gumi nezvisere nemazana matatatu nemakumi matatatu nevaviri 18 332, vashaya vanofungirwa akuti vanosvika mazana matatu nemakumi maviri nevapfumbamwe. Chirwere ichi chiri kupararirawwo munyika gumi nenhahatu muAfrica kusanganisira Zambia neMalawi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG