Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yokurudzira Nhaurirano Sezvo Zvikoro Zvotatarika neDanho reHurumende paMari yeDzidzo


Zimbabwe Teachers Strike
Zimbabwe Teachers Strike

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgress Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ Doctor Takavafira Zhou vari kukurudzira kuti paitwe nhaurirano nechimbi chimbi pakati pevabereki, varairidzi, vakuru vehurumende nezvikoro.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka kune zvimwe zvikoro sezvo zviri kurambidzwa kudzinga vana vasina kubhadhara mari dzechikoro, uye kurambidzwawo kuwedzera mari kana kubhadharisa nemari dzekuAmerica chete.

Hurumende inoti zvikoro zvinotyora mutemo uyu zvicharangwa.

Hurumende pachayo inonziwo haisi kubhadhara mari dzevana vanoshaya pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module kana kuti BEAM.

Asi kunyangwe zvinhu zvaita manyama amire nerongo, mutauiriri mubazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vanoti zvikoro zvinotsaudzira zvicharangwa.

Forum

XS
SM
MD
LG