Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votambira Mutemo Wekusunga Vanoita Bonde neVana Vari Pasi peMakore Gumi neMasere (18)


India Rape Convicts
India Rape Convicts

Veruzhinji varumbidza danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rekushandisa masimba avo semutungamiri wenyika, kukwidza zera revana vanotenderwa kunge vachiita zvepabonde, kubva pamakore gumi nematanhatu, kusvika pamakore gumi nesere.

Asi vamwe vanoti VaMnangagwa vakatozomanikidzwa kuita izvi nesangano reUnited Nations nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanasikana. Vanorwirawo kodzero dzevana vanoti mutemo uyu uchachengetedza kodzero dzevana dzine chekuita nezvepabonde.

Mumutemo wakadzikwa unoshanda kwemwedzi mitanhatu kana kuti Statutory Instrument 2 of 2024, yava mhosva kuita zvepabonde nemwana ane makore ari pasi pegumi nemasere, kana kubatsiridza kuti mwana uyu ange achisangana pabonde nemunhu asiri wezera rake.

Dare reparamende rinotarisirwa kuti ridzike mutemo chaiwo panguva iyo mutemo wakadzikwa naVaMnangagwa unenge uchishanda mukati memwedzi mitanhatu..

Studio 7 yataura negweta rinoongorora nyaya dzevechidiki, VaPaida Saurombe, avo vanoti kunonoka kudzikwa kwemutemo uyu kwange kwokanda vana mukanwa mamupere. Vati, “Mutemo uyu wazouya mushure mekunge dare redu reparamende ratadza kugadzira mutemo wekuti zera rinokwanisa kunge richibvuma kuenda pabonde ribve pa16 richienda pa18, sekutonga kwaive kwaita matare edzimhosva.”

Vaenderera mberi vachiti, “Saka vana vanga vava kungombunyikidzwa sezvo panga pasisina mutemo wakanangana nekuvachengetedza maererano nenyaya idzi. Mutemo uyu wakatikoshera kuti kodzero dzevana dzirambe dzichichengetedzwa.”

Mukuru wesangano rinomirira kodzero dzevanasikana, reShamwari Yemwanasikana, Muzvare Ekenia Chifamba, vanoti vane mufaro mukuru kwazvo, nekuda kwemutemo mutsva uyu. VaChifamba vati, “Tiri kupembera chose nedanho rakatorwa iri nekuti vana vanga vanyanya kumbunyikidzwa panyaya dzepabonde.”

Vatizve, “ Taiona matare achipa mitongo yakareruka, yakafanana neCommunity Service, kuvanhu vainge vabatwa nemhosva yekuita bonde nevana, kunyange bonde racho rainzi raive rawiriranwa. Iyi yava nyaya yekare nekuti mutemo urikuti munhu anofanira kuita makore gumi zvichienda mberi, akabatwa nemhosva iyi. Nhunzvatunzva idzi hadzichakwanisi kuramba dzichidzoka munharaunda medu, dzichipara mhosva dzimwechete.”

Mufundisi Taylor Nyanhete, mukuru wesangano rinoshanda zvekare nevana, reZimbabwe National Council for the Welfare of Children, vanoti kuti mutemo uyu unyatsoshanda, vana vanofanira kuwaniswa magwaro ekuzvarwa. VaNyanhete vati, “Hongu mutemo wavapo, asi zvasarira kwatiri sevabereki kuti tikwanise kuushandisa. Imwe nzira yatingakwanisa kuita izvi ndeyekutoresa vana maBirth certificate, sezvo ari iwo anotanga kupa humbowo hwekuti mwana uyu akura zvakadii.” Vatiwo, “ Pasina gwaro iri, zvinganetsa kuti zvizivikanwe kukura kwemwana, zvinogona kuita kuti vapari vemhosva vasunungurwe, nekuda kwekushaika kwehumbowo hwakazara. Naizvozvo, ndinokurudzira kuti vabereki titorese vana magwaro aya, kuti tirambe tichichengetedza kodzero dzavo.”

Pamutemo weStatutory Instrument 2 of 2024 uyu, munhu anoita zvepabonde nemwana mudiki, kana kuti anowanisa zvikwanisiro zvakafanana nenzvimbo yekuitira bonde paine mwana mudiki, anogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore gumi kana kudarika.

Mukuru wesangano raana baba, reFathers Against Abuse, VaAlois Nyamazana, vanotiwo nharaunda ine mutoro wekuona kuti nharadada dzinobata vana chibharo, dzasungwa. VaNyamazana vatiwo, “Ngatimhan’arei mabhinya aya anoita basa rekuita bonde nevana vasati vabva zera.”

Vaenderera mberi vachiti, “Ngatidzidzisanei matinogara kuti hazvitenderwi nemutemo kuti vana vari pasi pemakore gumi nesere vange vachiita zvebonde. Zvinoda kuti tiise maoko pamwechete kuitira kuti dambudziko rekumbunyikidzwa kwevana iri ripere.”

Mukuru wesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevana pasi rese, reUNICEF, muZimbabwe, Dr. Tajudeen Oyewale, vanoti vakafadzwa chose nedanho rakatorwa nehurumende, mukuchengetedza mwanasikana.

VaOyewale vatiwo, “Sesangano, tinoti hurumende yagona chose kuisa mutemo wakadai.” Vatiwo, “Tinozviziva kuti mutemo wekuroora nekuroorwa wakavandudzwa, ukaita kuti ive mhosva kuroodzwa kwemwanasikana ari pasi pemakore gumi nesere.

Changa chasara ndiwoyu mutemo wekuti kukwanisa kupa mvumo yekuenda pabonde, kutangire pamunhu ane zera rimwechetero, re18 zvichienda mberi. Kufambirana kwemitemo iyi, kunoreva kuti vana vachachengetedzeka. Ngatirambei tichishanda pamwechete sehurumende, nharaunda nemasangano anoshanda akazvimirira, mukuchengetedza kodzero dzevana.”

VeUnited Nations nemasangano akazvimirira oga vange vave nenguva yakareba vachikurudzira kuti muteno wakadai udzikwe vamwe muhurumende vachitsika madziro.

Gurukota rinoona nezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vaudzawo Studio 7 kuti pamwedzi mitanhatu iri kutevera, dare reparamende richashanda rakatarisana nekupasisa mutemo uyu.

Forum

XS
SM
MD
LG