Accessibility links

Breaking News

Sarudzo Dzinonzi Hadzina Kuitwa Zvakanaka Dzozvimbira Nyika Asi Hurumende Ichiti Haiite Zvekumanikidzira Hukama


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Hurumende inoti inoda hukama nekudyidzana nedzimwe nyika asi haina zvaingaita kana nyika dzakaita seAmerica dzikaramba kudyidzana nayo.

Vachitaura neStudio 7 nhasi, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muchikamu chekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaRichard Mahomva vati havashamiswe nemashoko ehurumende yeAmerica ekuti haichabatsire Zimbabwe mukuitsvaga nzira dzekubhadhara zvikwereti zvayo kunze.

Muhurukuro neStudio 7, America inoti haina kufara nenyaya yemafambisiro ekaitwa sarudzo dzegore rapera uye kupambwa nekumbunyikidzwa kwevanopikisa. Asi VaMahomva vanoti ishiri ine muririro wayo. Vati, “Hatifanirwi kushamisika nekuti America hapana payakambotsigira kubuda kwesarudzo inogadza Zanu PF muhutungamiriri hweZimbabwe.”

Vakamirira muzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Elaine French muhurukuro yavakaita nezuro vakati Zimbabwe yega ndiyo yakavimbisa kuita sarudzo dzakachena asi yakakundikana. Amai French vakati, ”Takaona kuti sarudzo dzakaitwa hadzizadzisi zviga zvinotarisirwa panoitwa sarudzo zvepasi rese.” Vakatiwo, “ Aya haasi maonere edu chete asi zvakataurwa nevakawanda vaiongorora sarudzo kusanganisira vemuSADC.”

Amai French vakatiwo vanoshushikana zvakanyanya nemhirizhonga yakaitika mushure mesarudzo idzi. Vanoti,”Tiri kushushikana nezviitiko zvakaitika mushure mesarudzo kunyanya mhirizhonga kunhengo dzevanopikisa nevatsigiri vavo. Vamwe vakakuvadzwa vamwe vakaurayiwa. Mashoko edu ku hurumende ndeekuti itange kufamba munzira dzehutongi hwejekerere.”

VaMahomva vati Zimbabwe neAmerica inyika dzakaenzana uye America inofanira kutambira sarudzo yakaitwa nevana veZimbabwe. Vati, “Pakuti imwe nyika inoda kupa mutemo kune dzimwe nyika chinhu chinenge chisinga gamuchiriki uye pakaita sarudzo dzisina kupokana tinenge tichitarisira kuti nyika dzinoshamwaridzana neZimbabwe dzigashire.”

Izvi zvatsigirwa naVaInnocent Ndorikanda vanotsigira bato reZanu PF. Vati, “Chavarikuita apa kuda kusvotesa nekukonzera shava-shava muZimbabwe.”

Imwe nyanzvi munezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAlois Mutizira vatiwo America haisi kuremekedza Zimbabwe. VaMutizira vati, “Ndinoona sekuti nyika yeAmerica inoda kubata chibharo nyika yeZimbabwe.”

Asi mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkhwananzi vapokana nemashoko ehurumende aya. Vati, “Kana sarudzo dzisina kufamba zvakanaka zvinenge zvichireva kuti hurumende iripo inenge isiri hurumende iri pamutemo uye haisi hurumende yekuti vana veZimbabwe vari kuwirirana kuti ndiyo yatinoda. Vatiwo, “Saka zvinonetsa kushanda nehurumende isina kusarudzwa.”

Mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Party Doctor Wurayayi Zembe vatiwo zvaitwa neAmerica zvanga zvichitarisirwa. VaZembe vati, “Tinoona kuti zvikwereti zvidzoserwe panoda kuti zvijeke maererano nekusarudzwe kwehurumende yejekerere. Vatiwo, “Zvinoderedza tsaona yemari dzinenge dzakakweretwesa hurumende yemunyika ino.”

VaClaris Madhuku vanoshanda nesangano revechidiki rePlatform for Youth Developent vati Zimbabwe yakafanana nejuzi raTizirai rinoti uku rinorukwa uku rinodudunhurwa pakuyedza kudyidzana neAmerica. VaMadhuku vati,”Iyo Zimbabwe pachezvayo yanga ichiti inoda hukama hwakanaka pasi rose nekuti pane chiga chekuti Zimbabwe hapana wainofanirwa kuvengana nayo.”

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute Doctor Pedzisai Ruhanya vatiwo Zimbabwe inofanirwa kungoita sarudzo dzakachena kuti ive nehukama hwakanaka nedzimwe nyika.

VaRuhanya vati, “Zvakabuda pachena kuti sarudzo dzaiitwa idzi dzanga dziri dzetsvete, sarudzo dzisina chimiro muchiona zvakaitika muHarare kuti vanhu vaishaiswa mapepa ekuvhotera.”

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika dzinoti mashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti Zimbabwe ishamwari yavose angori manyautsamukanwa.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti pasina rutsigiro rweAmerica panyaya yezvikwereti, hupfumi hweZimbabwe hunogona kugwadama.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG