Accessibility links

Breaking News

America Inoti Yageza Maoko saPirato Pakubatsira Zimbabwe Kuti Ikanganwirwe Zvikwereti neKuda Kwekusatevedzera Kwayo Hutongo Hwejekere


Ellaine French
Ellaine French

America inoti haichapindi munhaurirano dzekupana mazano neZimbabwe kuti nyika ingabhara sei zvikwereti zvainazvo kumabhanga nevamwe vanobatsira.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vange vachita chipata pata gore rapera rose kuyedza kuwana rubatsiro urwu kuti vakwanise kugadzirisa hupfumi.

Vakamirira muzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Elaine French vazivisa nhasi muhurukuro yavaita neStudio 7 muHarare kuti America yambomira kupinda munhaurirano dzekubatsira Zimbabwe nemazano ekuti ingadzosere sei zvikwereti zvainazvo kana kuti High Level Debt Resolution Forum: Arrears and Clearance and Debt Resolution Process.

Vachiparura bhajeti regore rino, Muzvinafundo Ncube vakati Zimbabwe ine chikwereti kunyika nemasangano ekunze chinosvika mabhiriyoni gumi nemaviri ane zviuru mazana manomwe kana kuti 12, 7 billion US Dollars uye chikwereti munyika chinosvika mabhiriyoni mashanu ekuAmerica kana kuti 5 billion.

Nekuda kwekutadza kubhadhara zvikwerei, Zimbabwe ine mitero iri kuwedzerwa pamwedzi kana kuti debt arreas inosvika mabhiriyoni manomwe kana kuti 7 billion. Zimbabwe ine zvikwereti kunyika gumi nenomwe dziri mugungano reParis Club mune nyika makumi maviri dzinosanganisira America, Canada, Australi nedzimwe. Nyika ine zvikwereti kuAfrica Development Bank nekuEuropean Investmnent bank. Kutadza kubhadhara zvikwereti izvi kuri kupa kuti Zimbabwe isakwanise kuwana zvimwe zvikwereti kubva muna 2022.

Amai French vati Zimbabwe yaive yavimbisa kuita sarudzo dzakachena senzira yekuti ibatsirwe kubhadhara zvikwereti asi zvakakona n’anfa murapwa achida.

Vatiwo kuti nhaurirano dzekuti Zimbabwe yobatsirwa sei dzibudirire, inofanirawo kuremekedza kodzero dzevanhu.

Vaimbova gurukota rezvemari VaTendai Biti vati zvaitwa neAmerica hazvishamisi sezvo Zimbabwe yakakundikana kutevedzera zvayakavimbisa pakatanga nhaurirano idzi. Vatiwo hazvishamisi dzimwe nyika dzikarambawo kuenderera mberi nenhaurirano idzi.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara.

Asi Vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira vati havanetsekani kana kuvhunduka nezvaitwa neAmerica vachiti Zimbabwe yakaita sarudzo dzejekerere.

Amai French vatiwo nekuda kwekusatevedzera hutongi hwejekerere hukama hweAmerica neZimbabwe hwaita manyama amire nerongo

Asi bato reZanu PF rati Zimbabwe haina daka neAmerica nekudaro vachamirira kana America yoda kuita hukama nenyika

Hatina kukwanisa kuwana mhinduro kubva kuhurumende sezvo gurukota rinoona nezvekubuditswa kwemashoko VaJenfan Muswere vanga vasingadairi nharembozha yavo. Mibvunzo yatatumira yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Studio 7 yakundikanawo kubata gurukota rezvemari VaMthuli Ncube pamwe nemutevedzeri wavo VaTongai Mnangagwa.

Asi kutadza kubhadhara zvikwereti uku kwave kupa kuti pashaye anokweretesa nyika mari zvopa kuti vemabhizimisi munyika vakwerete mari ine inenge ichidhura zvinodzosa nyika kumashure.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti danho ratorwa neAmerica richapa kuti hupfumi hubva hwatonanga kumawere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG