Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Vabereki Vachiti Hurumende Yavakanda Mukanwa Mamupere


Zimbabwe
Zimbabwe

Zvikoro zvavhurwa nhasi munyika asi vabereki vakawanda vari kuchema nekudhura kwemari dzechikoro ukuwo vamwe vadzidzisi vachichema chema kuti vari kutambiriswa mutero wembwa.

Asi hurumende inoti iri kufara nemamiriro akaita zvinhu kunyangwe paine zvimhingamupinyi pano neapo.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvange zvisina kumira zvakanaka muzvikoro nhasi.

Asi gurukota rezvedzidzo VaTorerayi Moyo avo vashanyira zvimwe zvikoro muHarare nhasi vaine vatori venhau vati hapana mwana anofanira kudzingwa kuchikoro vakayambira kutora matanho kune vakuru vezvikoro vari kuita izvi.

Mutauriri webazi rezvepasi VaTaungana Ndoro vange vaina VaMoyo vaudzawo Studio 7 kuti vari kufara nemamiriro akaita zvinhu parizvino.

VaNdoro vati VaMoyo vati vari kunetsekana nezvikoro zviri kumanikidza vabereki kubhadhara nemadhora ekuAmerica chete uye kubhadharisa vabereki mari dzisina kutenderanwa nehurumende.

Vabereki vane vana vari kuenda kuprimary neSecondary vanoti zvinhu zviri kutonyanya kuvaomera sezvo kana kumakireshi kuri kudiwa mari dzakawanda.

Mumwe mubereki ane mwana ane makore mana anopinda gwaro re ECDA,kana kuti kireshi uko kunobhadharwa madhora mazana matatu pa kotoro , kana kuti $300 pa term Muzvare Sarudzai Zhanje vanoti vari kumanikidwawo kubhadhara nemadhora ekuAmerica.

VaMoyo vange vachitarisawo mamiriwo akaita zvinhu pakudzivirira denda recholera icho chiri kupararira zvakanyanya munyika. Vakamboudzawo Studio 7 kuti vari kushanda nevakuru vezvikoro kuchengetedza vana.

Asi VaMasaraure vanoti bazi redzidzo harisi kuita zvakakwana kudzivirira kupararira kwechirwere checholera muzvikoro.

Hurumende inogara ichivimbisa gore negore kuti ichabatsira vana vanoshaya uye kuti vana vezvikoro zve Primary ne Secondary vachadzidza mahara asi izvi hazvisati zvazadzikiswa. Hurumende inotiwo zvikoro zvinofanira kutambira mari dzezvikoro nemari yemunyika asi zvimwe zvikoro zvononzi hazvitambiri mari iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG