Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzoti Zvinhu Zvinogona Kutooma muNyaya dzeHupfumi Muna 2024 Kana Zvichienzaniswa na2023


Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti hadzione paine chinoshanduka munyaya dzehupfumi mugore rino ratapinda ra 2024 kana dzichienzanisa negore ra 2023, dzichiti kana paine shanduko ingatoitika ingatove yekunyanya kuoma kwezvinhu kune veruzhinji.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheDevry University mudunhu reOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti semaonero avo hupenyu hucharamba huchioma nekuti hurumende inenge yave kuratidza kuti yapererwa nemazano kana pachitariswa zvirongwa zvakawanda zvinongobura asi zvisina pundutso.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimwoyo Mutambasere, vanoti chimwe chicharamba chakatsikirira hupfumi hwenyika pasi inyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze, ayo ari kubata nyika panyaya dzekurima.

Vanoti sezvo nyika isina kuwana goho rakanaka mwaka wapera, dambudziko rechikafu, zvikuru chibage icho chinonzi pari zvino chiri kutengwa nenyika kubva kuSouth Africa, richatowedzera.

Muzvare Mutambasere vanoti hurumende inofanirwa kuisa mambure ekuchengetedza mhuri dzisina chikafu kubva kutanga kwegore kudai.

Goho rechibage rinonzi richadzikira gore rino.
Goho rechibage rinonzi richadzikira gore rino.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi yezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoti mamiriro ekunze akaipa ari kukonzerwa neEl Nino achakonzera kukwira kwemitengo yezvinhu mugore rino.

Vakambotungamira sangano revemabhizimusi reConfederation of Zimbabwe Industries uye vari muzvinabhizimusi, Doctor Callisto Jokonya, vanotiwo kunyange hazvo muna 2023 makavewo nezvimwe zvaive zvakanaka, muna 2024 zvinhu zvichange zvakasiyana nenyaya yekuti hupfumi hwenyika huri mumaoko evashoma, zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvichitambura.

Panyaya yekuti dai hurumende yaita kuti mabhanga ashande nemazvo veruzhinji vakwanisa kuchengetera mari dzavo kumabhanga, Doctor Jokonya vanoti chakatanga ndochakachenjedza, vachiti kumborasikirwa kwakaita vanhu nemari dzavo kumabhanga ndiko kwave kuodza veruzhinji kuchengetera mari dzavo kumabhanga aya.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi uye vari chipangamazano chebhanga renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanotiwo gore ra 2024 rine matambudziko arowo anofanirwa kurwisanwa nawo nenyika kuti hupfumi husimukire.

Saka chii chingaitwa kuti nyika ibude mumatope airi aya mune zvehupfumi? Muzvinafundo Masocha vanodzoka vachiti hurumende inofanirwa kuona kuti nyika yose yawaniswa magetsi, angave anogayiwa nemvura, magwenya, mhepo kana anobva muzuva.

Muzvinafundo Masocha vanotiwo zvakare hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya yemari yekushandisa munyika, uyewo kushandisa rurimi rwunonzwikwa neveruzhinji pamushambadza zvirongwa zvehupfumi.

Mitengo yezvekudya inonzi ichakwira muna 2024.
Mitengo yezvekudya inonzi ichakwira muna 2024.

Zvimwe zvinonzi nevamwe zvicharemedza hupfumi hwenyika pamwe nevana veZimbabwe mitero mitsva yakawedzerwa mubhajeti regore rino negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, iyo yakatanga kushanda kubva nezuro, danho rinonzi richaita kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwire.

Zviri kutarisirwa kuwedzerwa mitengo zvinosanganisira zvekudya, mari dzechikoro, magwaro ekufambisa uye mari dzemichovha.

Muzvinafundo Ncube vakawedzera mitero vachiti hakuna kumwe kungawanikwa mari nenyika sezvo mitengo yezvicherwa yaderera uye gore rino kuri kutarisirwa kuti kuchaita nzara.

Zimbabwe inonziwo iri kutadza kuwana mari dzinobva kumasangano akasiyanasiyana nekuda kwekutadza kwayo kubhadhara zvikwereti.

Gwaro remamiriro ehupfumi hwenyika rakaparurwa neWorld Bank muna Zvita gore rapera rakati hupfumi hwenyika hunotarisirwa kudzikira kuenda pazvikamu zvitatu nezviga zvishanu kubva muzana mugore rino ra 2024, kubva pazvikamu zvina nezviga zvishanu muna 2023.

Gwaro iri rinoti kudzikira kwehupfumi uku kuchakonzerwa nekuderera kwegoho nekuda kwekusanaya kwemvura kwakaringana kuchakonzerwa nemamiriro ekunze, kana kuti El Nino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG