Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vakawanda Vanoti Havana Chivimbo Chekuti 2024 Achaunza Pundutso.


Vechidiki vakawanda munyika vanoti kunyange vari kufarira kupinda mugore ra2024, havasi kutarisira kuchinja kwemamiriro ezvinhu munyika, asi zvisinei, vachaedza kusunga mabhurugwa newaya kuti zvishuwo zvavainazvo zvegore rino zvizadzikiswe.

Mumwe wevechidiki anoti gore radarika ra2023 ranga rakamuomera, asi achasunga dzisimbe gore rino, ndiLeeroy Gwati, wekuHighfield, muHarare. Gwati ati, “2023 anga akanditsikirira, saka ndinoda kuvimba kuti gore rino zvichange zviri nani.”

Atizve, “Isu tiri maGhetto Youth, saka tinenge tichingoda kuita zvekutenderedza mari kuti tiwane kurarama. Kana mabasa akawanikwawo kunze uku, zvinenge zvakatinakirawo."

Muzvare Monalisa Nhengu, mudzidzi wepa University of Zimbabwe anoti anoshuvira kuenderera mberi nedzidzo vati, "Gore rino ndichange ndichiita Part 3 yangu apo patinoenda kuAttachment."

Vaenderera mberi vachiti, “Tinongonzwa kuti nzvimbo yekudzidzira basa munhu achiri kuchikoro dzinonetsa, asi chishuwo changu ndechekuti ndiwanewo nzvimbo nekukasika, uye yakanaka inondidzidzisa. Ini handitarisiri kunge ndichibhadharwa, sezvo ichange iri nguva yekudzidza."

Hanzvadzi yaMuzvare Monalisa, Tapiwa Nhengu, uyo anoshanda pachipatara chikuru chemuno muHarare chaasina kuda kuti chidomwe nezita, anoti dai hurumende yapindirawo nekuvapa mihoro iri nani gore rino.

Tapiwa ati, "Hatishori hedu zvatiri kuitirwa asi ndine chivimbo chekuti nekupfuma kwakaita nyika yedu, hurumende inokwanisa kutiwedzerawo mihoro yedu.” Aenderera mberi achiti, “Tine zvicherwa zvakawanda chose. Uyewo tikamisa huori, isuwo tinowana mari iri nani. Zvinoita sekuti pane vari kumusoro vari kuwana zviri nani kudarika isu; asi tinoti ngavawanewo, isu tichiwanawo zvekare."

Elson Mutemeri, murume wechidiki anogara kuRuwa, anoti haaoni achigara munyika kwenguva refu, sezvo yave kuda madhonza chete. Elson ati, “Taifungidzira kuti maElections achatiunzira zviri nani, asi zvakaenda nepamwe.”

Vatiwo, “Saka ndiri kutofunga kuendawo kunze kuri kuenda vamwe ikoko kunaanaCanada naanaU.K nekuti muno macho kana mabasa hamuna. Ukada kuzviitira zvemaoko, unogara uchinetsana nekanzuru, ukuwo mari dzekuti tiite kuti mabhizimusi edu ave pamutemo, hatina. Saka 2024 tongoenda kuri kuenda vamwe.”

Studio 7 yaedza kubata gurukota rinoona nezvenyaya dzevechidiki, VaTino Machakaire, asi panguva yataenda pamhepo, vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

Asi vanogara havo vachiti mikana muZimbabwe irimo, uye vechidiki vanofanira kuishandisa, vasati vafunga zvekunotsvaga mafuro manyoro kune dzimwe nyika.

Mikana iyi vanoti inosanganisira kuwaniswa mari yekuvamba mabhizimusi kubhanga revechidiki reEmpowerbank, kudzidziswa mabasa emaoko pamwechete nekudzidziswa nezvekuita mabhizimusi ane pundutso.

Mumwewo mudzimai wechidiki wemuEpworth, Muzvare Chantel Sampambe, vanoti vane chishuwo chekutanga bhizimusi rekutenga nekutengesa gore rino.

Muzvare Sampambe vatiwo, "Mugore rino ra2024, semudzimai wechidiki wanhasi, ndinoshuvirawo kuti ndikwanise kunohodha zvihembe nebhutsu kuSouth Africa ndichiuya ndichitengesera vanhu kuno. Kana ndichinge ndazokurawo mubasa, ndinodawo kuzovhura boutique yangu."

Wechidiki anoshanda nesangano reZimbabwe Initiative for Peace and Research kuBindura, Justice Muzondiwa vanoti.

Justice audza Studio 7 kuti, "Ngatipindei mugore rino tiine muono webhizimusi; pauri ipapo tengesa kana kuti iva nechaunacho chinodiwa nemumwe munhu kwauri ikoko.”

Vatizve, “Ichokwadi kuti mari dzinogona kungonetsa vamwe, asi kurudziro yangu ndeyekuti haungashayi nzira dzekutsvaga nadzo yekutangisa chete, kuitira kuti uzoita mari kumberi uko."

Vechidiki vakawanda vanoti vari kupinda mugore ra2024, tarisiro yavo iri pasi zvakanyanya sezvo munyika musina mabasa, uye hurumende yakawedzera mitero yakati kuti kutanga gore rino iri kutarisirwa kuti ichakonzera kudhura kwezvinhu.

Dzimwe nyanzvi dzinowongorora nyaya dzevechidiki dzinotiwo kutarisira zvakanaka kuri kuita vamwe vechidiki hakuna kuipa, asi mamiriro ezvinhu munyika anoratidza kuti vanogona kumirira guyo sembwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG