Accessibility links

Breaking News

Egypt Yoyedza Kutaura neIsrael neHamas Kuti Dzimbomisa Hondo

People work to rescue a Palestinian girl, who is alive, from under the rubble of a house hit by an Israeli strike, amid the ongoing conflict between Israel and the Palestinian Islamist group Hamas, in Rafah in the southern Gaza Strip.

Chikwata chinomiririra Hamas chiri muEgypt nhasi kuyedza kuzeya zviri kukurudzirwa neEgypt kupedza hondo pakati pechikwata ichi neIsrael

Egypt iri kuti Hamas itange yasungunura zvizvarwa zveIsrael zvayakatapa musi wa 7 Gumiguru. Kana izvi zvaitwa, Israel yoburitsa vasungwa vekuPalestine mujeri poumbwa chikwata chenyanzvi chinenge chakafanobata matomu muGaza.

Mauto eIsrael airi kuenderera mberi achirwisa dunhu reGaza. Vanhu gumi nevana vakafa nezuro mushure mekubhombwa nemuchadenga neIsrael.

Zvichakadaro, mauto eAmerica emuvura anoti adonhedza chombo chemuchadenga nendege yemhando yedrone zvange zvichibva kuYemen zvichida kurwisa ngarava dziri mufungwa pedyo neIsrael

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG